1Nokuti tarirai, zuʋa rinoʋuya; rinopisa secoto; ipapo ʋose ʋanoɀikudza, naʋose ʋanoita ɀakaipa, ʋacaʋa samashaŋga; zuʋa, rinoʋuya, ricaʋapisa, rikasaʋasiyira mudzi kana ɗaʋi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
2Asi imi, munotya zita raŋgu, mucaɓuɗirwa nezuʋa rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; mucaɓuɗa mucitamba semhuru dzomucirugu.
3Mucatsikira ʋakaipa pasi; nokuti ʋacaʋa maɗota pasi petsoka dzenyu, nezuʋa randicaita iɀoɀi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
4Raŋgarirai murairo waMosesi muranda waŋgu, wandakamuraira paHorebi, waʋaIsraeri ʋose, iɀo ɀandakatema neɀandakaraira.
5Tarirai, ndicakutumirai muprofita Eria, zuʋa iro guru raJehova, rinotyisa, risati raȿika.
6Iye ucadzorera mŋoyo yamadziɓaɓa kuʋana, nemŋoyo yaʋana kunamadziɓaɓa aʋo, kuti ndirege kuʋuya ndiroʋe nyika nokutuka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.