Hosea 12 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Efraimi ʋanoɀigutisa nemhepo, ʋanoteʋerera mhepo yokumabvazuʋa; ʋanoramba ʋaciwedzera nhema nokuparadza; ʋanoita suŋgano neAsiria, ʋuye mafuta anoiswa Egipita.

2Jehova unegakaʋa naJuda ʋo, ucaroʋa Jakobo pamsoro penzira dzake, ucamuripira pamsoro peɀaakaita.

3Muciɀaro wakaɓata cicitsinho comukuru wake, aʋa nesimba romurume wakaita mitsimba naMŋari;

4ɀirokwaɀo, wakaita mitsimba nomutumŋa akakunda; wakacema, akamunyeŋgetera; wakamuwana paBeti‐eri, akataura’po nesu,

5iye Jehova, Mŋari wehondo; Jehova ndiro zita rokumuraŋgarira naro.

6Naiɀoɀo cidzokera kunaMŋari wako; ceŋgeta ruɗo nokururamisa, urambe ucimirira Mŋari wako.

7Iye muKanani, ɀiyero ɀinonyeŋgera ɀiri muruʋoko rwake, unofarira kumanikidza.

8Asi Efraimi unoti: Ɀirokwaɀo, ndafuma, ndaɀiwanira fuma; pamaɓasa aŋgu ose haʋaŋgawani kwandiri ɀakaipa ɀeɀiʋi.

9Asi ndini Jehova Mŋari wako, kubva panyika yeEgipita; ndicakugarisai ɀe mumatente, sapamazuʋa emitambo yakatarwa.

10Ndakataura ʋo naʋaprofita, ndikawanza ɀandakaʋaratidza; ndakaʋataurira ɀifananidzo nemiromo yaʋaprofita.

11Ko paGireadi paneɀakaipa here? Haʋanamaturo cose; ʋanoɓaya nzombe paGirgari; ɀirokwaɀo maartari aʋo akaita matutu amabge pamihoroŋga yeminda.

12Jakobo wakatizira kunyika yeArami, Israeri wakaɓatira mukadzi, wakafudza makwai kuti awane mukadzi.

13Jehova wakaɓuɗisa Israeri paEgipita nomuprofita, akazoceŋgetwa nomuprofita.

14Efraimi ʋakatsamŋisa Jehova ɀikuru; naiɀoɀo mhaka yeropa rake icasiyiwa kwaari, Ishe wake ucadzosera kuɀidzwa kwake kwaari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help