Ɀireʋo 14 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Mukadzi mumŋe nomumŋe wakacenjera unoʋaka imba yake;

Asi ɓenzi rinoiputsa namaʋoko aro.

2Unofamba nokururama kwake, unotya Jehova;

Asi wakatsauka panzira dzake, unomuɀidza.

3Mumuromo weɓenzi muneshamhu yamanyawi;

Asi miromo yaʋakacenjera inoʋaceŋgeta.

4Kana pasinenzombe, cidyiro hacineciro;

Asi ɀiɓereko ɀizhinji ɀinoʋuya nesimba renzombe.

5Capupu, cakatendeka, hacireʋi nhema;

Asi capupu cenhema cinoɓuɗisa mashoko enhema.

6Muɗaɗi unotȿaka ʋucenjeri, asi haʋu’po;

Asi ziʋo haitani kuwanikwa naʋanenjere.

7Ibva pamberi peɓenzi,

Nokuti hauŋgawani miromo yeziʋo kwaari.

8Ʋucenjeri bgomunhu wakaŋgwara ndiko kunzwisisa nzira yake;

Asi ʋupenzi bgamapenzi ʋunonyeŋgedzera.

9Ciɓayiro ceɀiʋi camapenzi cinoɗaɗira;

Asi pakati paʋakarurama panokufarirana.

10Mŋoyo mumŋe nomumŋe unoziʋa kutambudzika kwawo;

Mŋeni haaŋgagoʋerani nomufaro wawo.

11Imba yowakaipa icaparadzwa;

Asi tente rowakarurama ricafara ɀakanaka.

12Munhu unoʋona nzira aciti yakarurama;

Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.

13Kunyaŋge munhu aŋgaseka hake, mŋoyo uŋgaʋa neshuŋgu;

Kuguma kwomufaro ndiko kucema.

14Unomŋoyo, unodzokera shure, ucagutiswa nenzira dzake;

Asi munhu wakanaka ucagutiswa neɀinobva maari.

15Usina mano unotenda mashoko ose;

Asi wakaŋgwara unoŋgwarira mafambiro ake.

16Wakacenjera unotya ɀakashata, aciɀinɀeŋga;

Asi ɓenzi rinamanyawi, riciɀitenda.

17Unokurumidza kutsamŋa, ucaita noʋupenzi;

Ʋuye munhu, unofuŋga mano akaipa, ucaʋeŋgwa.

18Ʋasina mano ʋanogara nhaka yoʋupenzi;

Asi ʋakaŋgwara ʋacadzikwa korona yeziʋo.

19Ʋakashata ʋanogwaɗama pamberi paʋakanaka;

Naʋakaipa pamasuʋo aʋakarurama.

20Murombo unoʋeŋgwa kunyaŋge nowokwake;

Asi shamŋari dzaʋafumi izhinji.

21Unoshoʋora wokwake, unotadza;

Asi unetsitsi naʋarombo, unomufaro.

22Ko ʋanofuŋga ɀakaipa haʋarashiki here?

Asi nyasha neɀokwaɗi ndeɀaʋanofuŋga ɀakanaka.

23Kuɓata kwose kuneɓatsiro;

Asi kuŋgotaura nemiromo kunoɓereka kushaiwa.

24Korona yaʋakacenjera ifuma yaʋo;

Asi ʋupenzi bgamapenzi ʋupenzi ɀabgo.

25Capupu cakatendeka cinoponesa mŋeya yaʋanhu;

Asi unoreʋa nhema unonyeŋgedzera.

26Pakutya Jehova panesimbiso kwaɀo;

Ʋana ʋowakaɗai ʋacaʋa noʋutiziro.

27Kutya Jehova itsime roʋupenyu;

Kuti munhu apukunyuke pamisuŋgo yorufu.

28Ʋukuru bgamambo ʋunoʋonekwa pakuwanda kwaʋanhu;

Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa ʋanhu.

29Unomŋoyo murefu unenjere kwaɀo;

Asi unokurumidza kutsamŋa unowedzera ʋupenzi.

30Mŋoyo wakagadzikana ndibgo ʋupenyu bgomuʋiri;

Asi goɗo rinoʋodza mafupa.

31Unomanikidza murombo, unoɀidza Muiti wake;

Asi unetsitsi nomushaiwi, unomukudza.

32Wakaipa unowiswa pasi mukutadza kwake;

Asi wakarurama unetariro pakufa kwake.

33Ʋucenjeri ʋunogara pamŋoyo wounenjere;

Asi ɀiri mukati mamapenzi ɀinozikanwa.

34Kururama kunokurisa rudzi;

Asi ɀiʋi ɀinonyadzisa kurudzi rupi norupi.

35Mambo unofarira muranda, unoita nokucenjera;

Asi unonyadzisa ucatsamŋirwa naye.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help