Mapisarema 23 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova mufudzi waŋgu.Pisarema raDavidi.

1Jehova ndiye mufudzi waŋgu;

Hapana‐candiŋgashaiwa.

2Unondiʋatisa pasi pamafuro manyoro;

Unondisesedza pamvura inozorodza.

3Unoponesa mŋeya waŋgu;

Unondifambisa panzira dzokururama nokuɗa kwezita rake.

4Ɀirokwaɀo, kunyaŋge ndikafamba mumupata womumvuri worufu,

Handiŋgatoŋgotyi ɀakaipa; nokuti imi mune’ni;

Tȿimbo yenyu nomuɗonɀo wenyu ɀinondinyaradza.

5Munondigadzirira tafura pamberi paʋadziʋisi ʋaŋgu;

Makazodza musoro waŋgu namafuta; mukombe waŋgu unopfacuka.

6Ɀirokwaɀo ʋunyoro nenyasha ɀicanditeʋera mazuʋa ose oʋupenyu bgaŋgu;

Ini ndicagara mumba maJehova mazuʋa namazuʋa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help