Ɀireʋo 4 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Munhu ŋgaafambe nenzira dzoʋucenjeri.

1Imi ʋanakomana, inzwai kurairira kwaɓaɓa ʋenyu;

Tererai, muziʋe njere.

2Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka;

Regai kurasha murairo waŋgu.

3Nokuti ini ndakaŋga ndiri mŋanakomana kunaɓaɓa ʋaŋgu,

Mŋana wakaɗikanwa kwaɀo, mumŋe woga pamberi pamai ʋaŋgu;

4Iʋo ɓaɓa ʋakandidzidzisa, ʋakati kwandiri:

Mŋoyo wako ŋgaunatso‐ɓata mashoko aŋgu;

Ceŋgeta mirairo yaŋgu, urarame.

5Ɀiwanire ʋucenjeri, ɀiwanire njere;

Rega kukaŋganwa kana kutsauka pamashoko omuromo waŋgu;

6Usaʋurasha, ʋugokuceŋgeta;

Uʋuɗe, ʋugokurinda.

7Ʋucenjeri cinhu cikuru kuneɀose; saka uɀiwanire ʋucenjeri;

Uɀiwanire njere neɀose ɀaunaɀo.

8Uʋukudze, ʋugokukwiridza iwe;

Ʋucakuʋigira kukudzwa, kana uciʋumbundikira.

9Ʋucapa musoro wako cishoŋgo cakanaka;

Ʋucakuisira korona inobginya.

10Cinzwa iwe mŋanakomana waŋgu, ugamucire ɀandinoreʋa;

Makore oʋupenyu bgako agoʋa mazhinji.

11Ndakakudzidzisa panzira yoʋucenjeri;

Ndakakufambisa pamakwara akarurama.

12Kana ucifamba, tsoka dzako hadziŋgapiŋganidzwi;

Kana ucimhanya, hauŋgagumburwi.

13Natsa kuɓata kurairirwa; usakuregedza;

Ukuceŋgete, nokuti ndibgo ʋupenyu bgako.

14Usapinda pagwara raʋakaipa,

Usafamba nenzira yaʋakashata.

15Uinɀeŋge, usapinda pairi;

Tsauka pairi, upfuʋure hako.

16Nokuti haʋaʋati, kana ʋasiŋgaiti ɀakashata;

Ʋanotorerwa hope dzaʋo, kana ʋasiŋgagumbusi ʋamŋe.

17Nokuti ʋanodya ɀokudya ɀeɀakaipa,

Nokunwa waini yokumanikidza.

18Asi gwara raʋakarurama rakaita seciedza camambakwedza,

Cinoramba ciciwedzera kubginya kuȿikira pamasikati makuru.

19Nzira yaʋakaipa yakaita serima;

Haʋaziʋi ciŋgaʋagumbusa.

20Mŋanakomana waŋgu, terera mashoko aŋgu;

Rerekera nzeʋe yako kuneɀandinoreʋa.

21Urambe uciatarira,

Uaceŋgete mukati momŋoyo mako.

22Nokuti ndibgo ʋupenyu kunaʋanoawana,

Noʋukukutu bgenyama yaʋo yose.

23Ceŋgeta mŋoyo wako kupfuʋura ɀose ɀinofanira kurindwa;

Nokuti mukati mawo ndi’mo muneɀituɓu ɀoʋupenyu.

24Bvisa kwauri nhema dzomuromo;

Kutsauka kwemiromo ŋgakuʋe kure newe.

25Meso ako ŋgaarurame pakutarira;

Mafuŋgiro ameso ako ŋgaatarire mberi kwako.

26Gadzirira tsoka dzako gwara;

Nzira dzako dzose dziʋe dzakasimba.

27Usatsaukira kurudyi kana kuruɓoshwe;

Rutsoka rwako urubvise paneɀakaipa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help