Mapisarema 88 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kucema kwomunhu uri panjodzi huru‐huru.Rwiyo, Pisarema raʋanakomana ʋaKora; kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weMaharati Reanoti. Rwiyo rweMashiri rwaHemani muEzrahi.

1Jehova, Mŋari muponesi waŋgu,

Ndakacema masikati noʋusiku pamberi penyu;

2Munyeŋgetero waŋgu ŋgaupinde pamberi penyu;

Rerekerai nzeʋe yenyu munzwe kucema kwaŋgu;

3Nokuti mŋeya waŋgu uzere namaɗambudziko,

Ʋupenyu bgaŋgu bgosweɗera kuSheori.

4Ndinoʋereŋgwa pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba;

Ndakafanana nomunhu unoshaiwa muɓatsiri;

5Ndakarashirwa pakati paʋakafa,

Saʋakaʋurawa ʋaʋete mubgiro,

Ʋamusati mucaraŋgarira;

Ʋakagurwa paruʋoko rwenyu.

6Makandiisa mugomba rakadzika‐dzika,

Panɀimbo dzinerima, makadzika kwaɀo.

7Hasha dzenyu dzinorema kwaɀo pamsoro paŋgu,

Makanditambudza namafuŋgu enyu ose.

8Makaisa ʋazikani ʋaŋgu kure neni;

Makandiita cinhu cinonyaŋgadza kwaʋari;

Ndakapfigirwa, handigoni kuɓuɗa.

9Ziso raŋgu ropera nemhaka yokutambudzika;

Ndakaɗana kwamuri, Jehova, zuʋa rimŋe nerimŋe,

Ndakatambanudzira maʋoko aŋgu kwamuri.

10Muŋgaitira ʋakafa ɀinoshamisa here?

Ko ʋakaparara ʋaŋgamuka ʋakakurumbidzai here?

11Ʋunyoro bgenyu ʋuŋgaparidzwa mubgiro here?

Kana kutendeka kwenyu mukuparadza here?

12Ɀishamiso ɀenyu ɀiŋgazikanwa murima here?

Nokururama kwenyu panyika yokukaŋganwa here?

13Asi ndakacema kwamuri, Jehova,

Munyeŋgetero waŋgu ucaȿika pamberi penyu maŋgwanani.

14Jehova, munorashireiko mŋeya waŋgu?

Munoʋanzireiko ciso cenyu kwandiri?

15Kubva paʋuɗuku bgaŋgu ndakaŋga ndicitambudzwa ndicirwiso‐fa;

Kana ndicityiswa nemi ndinoshaiwa mano.

16Kutsamŋa kwenyu kukuru kwakapfuʋura napamsoro paŋgu;

Kutyisa kwenyu kwakandiparadza.

17Ɀakandikomberedza zuʋa rose semvura;

Ɀakandipoteredza pamŋe cete.

18Iye, unondiɗa, neshamŋari yaŋgu, makaʋaisa kure neni,

Nomuzikani waŋgu uri murima.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help