1Negore ramakumi maʋiri namanomŋe raJeroboami mambo waIsraeri, Azaria mŋanakomana waAmazia mambo waJuda wakataŋga kuɓata ʋushe.
2Wakaŋga anamakore anegumi namatanhatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe paJerusarema makore anamakumi mashanu namaʋiri; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jekoria weJerusarema.
3Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, seɀakaita ɓaɓa ʋake Amazia paɀose.
4Kunyaŋge ɀakaɗaro, matunhu akakwirira haana‐kubviswa; ʋanhu ʋakaramba ʋaciɓayira nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira.
5Jehova akaroʋa mambo, akaʋa namaperembudzi kuȿikira zuʋa rokufa kwake, akagara ari oga muimba. Jotami mŋanakomana wamambo akaʋa mutariri weimba, akatoŋga ʋo mhoȿa dzaʋanhu ʋenyika.
6Ɀino mamŋe maɓasa aAzaria, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
7Azaria akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi; Jotami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Mamŋe madzimambo okupedzisira aIsraeri.8Negore ramakumi matatu namasere raAzaria mambo waJuda, Zekaria mŋanakomana waJeroboami wakaʋa mambo waIsraeri paSamaria mŋedzi mitanhatu.
9Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, seɀakaita madziɓaɓa ake; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
10Sharumi mŋanakomana waJabeshi akamumukira, akamuɓaya pamberi paʋanhu, akamuʋuraya, iye akamuteʋera paʋushe.
11Ɀino mamŋe maɓasa aZekaria, tarirai akanyorwa mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri.
12Ndiro shoko raJehova raakataura kunaJehu, aciti: Ʋanakomana ʋako ʋacagara pacigaro coʋushe bgaIsraeri kuȿikira parudzi rwecinna. Ɀikaitwa saiɀoɀo.
13Sharumi mŋanakomana waJabeshi wakataŋga kuɓata ʋushe negore ramakumi matatu namapfumbamŋe raUzia mambo waJuda; akaɓata ʋushe paSamaria mŋedzi mumŋe.
14Ɀino Menahemi mŋanakomana waGadi akabva Tirza, akaȿika Samaria, akaɓaya Sharumi mŋanakomana waJabeshi paSamaria, akamuʋuraya, akamuteʋera paʋushe.
15Ɀino mamŋe maɓasa aSharumi, nokumukira kwake, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamakoronike amadziɓaɓa aIsraeri.
16Ɀino Menahemi akaparadza Tifsa, naʋose ʋakaŋga ʋari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTirza; akariparadza, nokuti ʋakaramba kumuzarurira; akatumbura ʋakadzi ʋose ʋakaŋga ʋanemimba, ʋaiʋa mukati maro.
17Negore ramakumi matatu namapfumbamŋe raAzaria mambo waJuda, Menahemi mŋanakomana waGadi, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri, akaʋuɓata makore anegumi paSamaria.
18Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; mazuʋa ake ose haana‐kutsauka paɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
19Ɀino Puri mambo weAsiria akaʋuya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenta anecuru cimŋe cesirveri, kuti amuɓatsire kusimbisa ʋushe bgake.
20Menahemi akateresa Israeri, mumŋe nomumŋe wakaŋga anesimba, akafuma, akaɓuɗisa mashekeri anamakumi mashanu esirveri, kuti ɀipiwe mambo weAsiria; naiɀoɀo mambo weAsiria akadzokera hake, akasagara panyika.
21Ɀino mamŋe maɓasa aMenahemi, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
22Menahemi akaʋata namadziɓaɓa ake, Pekahia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
23Negore ramakumi mashanu raAzaria mambo waJuda, Pekahia mŋanakomana waMenahemi wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria, akaʋuɓata makore maʋiri.
24Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
25Ɀino Peka mŋanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuʋuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArgobi naArie naʋanhu ʋanamakumi mashanu ʋaGireadi ʋaakaŋga anaʋo; akamuʋuraya, akamuteʋera paʋushe.
26Ɀino mamŋe maɓasa aPekahia, neɀose ɀaakaita, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri.
27Negore ramakumi mashanu namaʋiri raAzaria mambo waJuda, Peka, mŋanakomana waRemaria, akataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria, akaʋuɓata makore makumi maʋiri.
28Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
29Namazuʋa aPeka mambo waIsraeri, Tigrati‐pireseri mambo weAsiria akaȿika, akakunda Ijoni, neAberibeti‐maaka, neJanoa, neKadeshi, neHazori, neGireadi, neGariri, iyo nyika yose yeNaftari; akaʋatapa, akaenda naʋo Asiria.
30Ɀino Hoshea mŋanakomana waEra akaita ndaŋga pamsoro paPeka mŋanakomana waRemaria, akamuɓaya, akamuʋuraya, ndokumuteʋera paʋushe, negore ramakumi maʋiri raJotami mŋanakomana waUzia.
31Ɀino mamŋe maɓasa aPeka, neɀose ɀaakaita, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri.
Jotami mambo waJuda.32Negore recipiri raPeka mŋanakomana waRemaria mambo waIsraeri, Jotami mŋanakomana waUzia mambo waJuda, wakataŋga kuɓata ʋushe.
33Wakaŋga aȿika makore anamakumi maʋiri namashanu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namatanhatu; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jerusha mukunda waZadoki.
34Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, akaita ɀose ɀakaitwa naɓaɓa ʋake Uzia.
35Kunyaŋge ɀakaɗaro matunhu akakwirira haana‐kubviswa; ʋanhu ʋakaramba ʋaciɓayira nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira. Ndiye wakaʋaka suʋo rokumsoro reimba yaJehova.
36Ɀino mamŋe maɓasa aJotami, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
37Namazuʋa iwayo Jehova akataŋga kutuma Rezini mambo weSiria naPeka mŋanakomana waRemaria kuzorwa naJuda.
38Jotami akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake muguta raɓaɓa ʋake Davidi; Ahazi mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.