1Pakutambudzika kwaŋgu ndakaɗana kunaJehova,
Iye akandipindura.
2Rwirai mŋeya waŋgu, Jehova, pamiromo inoreʋa nhema,
Naparurimi runonyeŋgedzera.
3Iwe ucapiweiko, cinyi cicawedzerwa kwauri,
Iwe rurimi runonyeŋgedzera?
4Miseʋe inopinza younesimba,
Namazimbe anopfuta omurara.
5Ndineropa rakaipa ɀandiri mutorwa paMesheki,
Ɀandigere pamatente eKedari!
6Mŋeya waŋgu wakagara ŋguʋa refu
Nounoʋeŋga rugare.
7Ini ndinoɗa rugare;
Asi kana ndicitaura, iʋo ʋanotȿaka kurwa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.