1Asi ɀino ʋaɗuku kwandiri ʋanondiseka,
Iʋo ʋandaishoʋora kuisa madziɓaɓa aʋo pambga dzamapoka aŋgu.
2Simba ramaʋoko aʋo riŋgandiɓatsireiko?
Iʋo ʋakapererwa nesimba kwaɀo.
3Ʋawonda nokushaiwa nenzara;
Ʋanotetena ivu rakawoma murima ramataŋgwaza nokuparadzwa.
4Ʋanotanha ɀinoʋaʋa pamakwenzi;
Midzi yomurara ndiɀo ɀokudya ɀaʋo.
5Ʋanodziŋgwa pakati paʋanhu;
Ʋanoʋaȿoʋerera sembava.
6Ʋanofanira kugara pamipata yakaȿiɓa,
Pamakomba enyika namatombo.
7Ʋanorira pakati pamakwenzi;
Ʋanoʋuŋganira pasi porukato.
8 Ndiʋo ʋana ʋamapenzi, ɀirokwaɀo ʋana ʋaʋanhu ʋakaipa;
Ʋakadziŋgwa panyika ʋacirobga.
9Ɀino ndaʋa ciimbo caʋo,
Ndaʋa shumo yaʋo.
10Ʋanondisema, ʋanomira kure neni,
Haʋaregi kupfira mate paciso caŋgu.
11Nokuti iye wakasunuŋgura rukuŋgiso rwake akanditambudza;
Ʋakarasha tomu pamberi paŋgu.
12Ʋasinamaturo ʋanosimuka kurudyi rwaŋgu;
Ʋanosundira makumbo aŋgu,
Ʋanoɀigadzirira nzira dzaʋo kundiparadza.
13Ʋanoparadza nzira yaŋgu,
Ʋanowedzera njodzi yaŋgu,
Iʋo ʋanhu ʋasinomuɓatsiri.
14Ʋanoʋuya ʋakafanana naʋanopinda pakakoromoka pakuru;
Ʋanomhanyira kwandiri pakati pamaȿiŋgo akakoromoka.
15Ɀinotyisa ɀandiʋiŋga,
Ʋanodziŋga kukudzwa kwaŋgu semhepo;
Kufara kwangu kwapfuʋura segore.
16Ɀino mŋeya waŋgu waɗururwa mukati maŋgu;
Mazuʋa enjodzi andiɓata.
17Paŋguʋa yoʋusiku mafupa aŋgu anoʋururwa mukati maŋgu,
Ʋuye ɀinondiɓaya haɀizorori.
18Nesimba rake guru ŋguʋo yaŋgu yacinyikara;
Rinondisuŋga sehuro dzejasi raŋgu.
19Iye wakandiwisira mumatope,
Ndaʋa seguruʋa neɗota.
20Ndinocema kwamuri, asi hamundiɗaʋiri;
Ndimire, asi munoŋgonditarira.
21Mashanduka hamunetsitsi neni;
Munonditambudza nesimba roruʋoko rwenyu.
22Munondisimudza nemhepo, munonditaȿisa pamsoro payo;
Munondinyaŋgarisa muɗutu remhepo.
23Nokuti ndinoziʋa kuti mucandiisa kurufu,
Nokuimba yakatarirwa ʋapenyu ʋose.
24Ko munhu, unonyura, haaŋgatambanudzi ruʋoko here;
Pakutambudzika kwake haaŋgaridzi mhere here?
25Ko handina‐kucema wakaŋga ari panjodzi here?
Mŋeya waŋgu wakaŋga usineshuŋgu pamsoro powaishaiwa here?
26Ndakati ndicitarira ɀakanaka, ɀakaipa ɀikaȿika:
Ndakati ndicimirira ciedza, rima ndokuȿika.
27Ʋura bgaŋgu ʋunoʋira, haʋuzorori;
Mazuʋa okutambudzika andiʋiŋga.
28Ndinocema ndisinomushana;
Ndinosimuka pakati peʋuŋgano, ndicicema kuɓatsirwa.
29Ndaʋa hama yamakaʋa,
Neshamŋari yemhou shiri.
30Ganda raŋgu raȿiɓa, rinokwatuka kwandiri;
Mafupa aŋgu atȿa nokupisa.
31Naiɀoɀo mbira dzaŋgu dzashanduka kucema,
Ʋuye nyere yaŋgu raʋa inzwi raʋanocema misodzi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.