1Ɀino Davidi wakaraŋgana naʋakuru ʋecuru camazana naʋamazana, naʋatuŋgamiriri ʋose,
2Davidi akati kuʋuŋgano yose yaIsraeri: Kana imi muciti ɀakanaka, ʋuye kana ɀicibva kunaJehova Mŋari weɗu, ŋgatitume shoko kwose kuhama dzeɗu dzakasara munyika yose yaIsraeri, nokuʋaprista naʋaRevi ʋari mumaguta aʋo anamafuro, kuti ʋaʋuŋgane nesu;
3tidzosere ɀe areka yaMŋari weɗu kwatiri, nokuti hatina‐kuiraŋgarira pamazuʋa aSauro.
4Ʋuŋgano yose ikatenda kuɀiita; nokuti ʋanhu ʋose ʋakati ɀakanaka.
5Ɀino Davidi akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose, kubva paShihori irwo rukoʋa rweEgipita, kuȿikira paʋanopinda paHamati; kuti ʋatore areka yaMŋari paKiriati‐jearimi.
6Davidi akakwira, iye naʋaIsraeri ʋose, ʋakaenda Baara, ndiro Kiriati‐jearimi raiʋa raJuda, kuzotora’po areka yaMŋari, iye Jehova ugere pamsoro pamakerubi, paʋanonamata Zita rake.
7Ʋakatakura areka yaMŋari paŋgoro itȿa, ʋakaibvisa paimba yaAbinadabi; Uza naAhio ʋakafambisa ŋgoro.
8Davidi naʋaIsraeri ʋose ʋakatamba pamberi paMŋari nesimba raʋo rose, nenziyo, nembira, nemiteŋgeraŋwa, neŋgoma, namakandira, nehwamanda.
9Ɀino ʋakati ʋaciȿika paɓuriro raKidoni, Usa akatambanudza ruʋoko rwake kuti aɓate areka, nokuti nzombe dzakaŋga dzogumburwa.
10Kutsamŋa kwaJehova kukamukira Uza, akamuʋuraya, nokuti wakatambanudza ruʋoko rwake kuti aɓate areka; akafira’po pamberi paMŋari.
11Ipapo Davidi akaʋora mŋoyo nokuti Jehova wakaroʋa Uza; akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Perezi‐uza kuȿikira zuʋa ranhasi.
12Davidi akatya Mŋari nomusi uyo, akati: Ndiŋgaisa areka yaMŋari kumusha kwaŋgu seiko?
13Naiɀoɀo Davidi haana‐kuisa areka yaMŋari kumusha kwaDavidi, asi wakaitsausira kumba kwaObedi‐edomi muGiti.
14Areka yaMŋari ikagara pamhuri yaObedi‐edomi mumba make mŋedzi mitatu; Jehova akaropafadza imba yaObedi‐edomi neɀose ɀaakaŋga anaɀo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.