1Ndirwirei Mŋari, nezita renyu,
Nditoŋgerei nesimba renyu.
2Inzwai munyeŋgetero waŋgu, Mŋari;
Rerekerai nzeʋe yenyu munzwe mashoko omuromo waŋgu.
3Nokuti ʋatorwa ʋakandimukira,
Ʋamanikidzi ʋakatȿaka mŋeya waŋgu.
Haʋana‐kuisa Mŋari pamberi paʋo.
4Tarirai, Mŋari ndiye muɓatsiri waŋgu.
Ishe uri pakati paʋanotsigira mŋeya waŋgu.
5Ucatsiʋa ɀakaipa kuʋaʋeŋgi ʋaŋgu;
Muʋaparadze nokutendeka kwenyu.
6Ndicakuɓayirai necipiriso cokuŋgopa nokuɀiɗira;
Ndicaʋoŋga zita renyu, Jehova, nokuti rakanaka.
7Nokuti wakandirwira pakutambudzika kwose;
Ziso raŋgu rakaʋona kukundwa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.