I Makoronike 19 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unokunda ʋaAmoni naʋaSiria.

1Shure kwaiɀoɀo mambo waʋana ʋaAmoni wakafa, mŋanakomana wake akaɓata ʋushe panɀimbo yake.

2Ɀino Davidi akati: Ndicaitira Hanuni mŋanakomana waNahashi ɀakanaka, seɀandakaitirwa ɀakanaka naɓaɓa ʋake. Naiɀoɀo Davidi akatuma nhume kumuɓata ruʋoko pamsoro paɓaɓa ʋake. Ʋaranda ʋaDavidi ʋakaȿika panyika yaʋana ʋaAmoni kunaHanuni, kuzomuɓata ruʋoko.

3Asi macinda aʋana ʋaAmoni akati kunaHanuni ishe waʋo: Munofuŋga kuti Davidi unoɗo‐kukudza ɓaɓa ʋenyu, ɀaatuma ʋaɓati ʋoruʋoko kwamuri here? Ʋaranda ʋake haʋana‐kuʋuya kwamuri kunɀera, nokuputsa, nokushora nyika here?

4Naiɀoɀo Hanuni akaɓata ʋaranda ʋaDavidi, akaʋeʋura ndebvu dzaʋo, akagura ŋguʋo dzaʋo napakati kuȿikira pamagaro aʋo, akaʋadziŋga.

5Ɀino ʋamŋe ʋakandoʋudza Davidi ɀakaŋga ɀaitirwa ʋarume. Akatuma ʋanhu kusoŋgana naʋo, nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋacinyara kwaɀo. Mambo akati: Garai henyu Jeriko kuȿikira ndebvu dzenyu dzamera ɀe, mugodzoka henyu.

6Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaɀiʋeŋgesa naDavidi, Hanuni naʋana ʋaAmoni ʋakatuma matarenta esirveri anecuru cimŋe kuzoripira ŋgoro naʋataȿi ʋamabiza ʋanobva Mesopotamia, neArami‐maaka, neZoba.

7Naiɀoɀo ʋakaripira ŋgoro dzine‐ɀuru ɀinamakumi matatu neɀiʋiri, namambo weMaaka naʋanhu ʋake; iʋo ʋakaȿika ʋakadzika matente aʋo pamberi peMedeba. Ʋana ʋaAmoni ʋakaʋuŋgana ʋacibva kumaguta aʋo, ʋakaʋuya kuzorwa.

8Ɀino Davidi wakati aciɀinzwa, akatuma Joabi nehondo yose yaʋarume ʋanesimba.

9Ʋana ʋaAmoni ʋakaɓuɗa, ʋakagadzira hondo paʋanopinda napo pasuʋo; asi madzimambo, akaŋga aʋuya, aiʋa pacawo oga pasaŋgo.

10Ɀino Joabi wakati aciʋona kuti woʋaʋarirwa mberi neshure, akatsaura ʋamŋe kunaʋakatsaurwa ʋose ʋaIsraeri, akaʋagadzira kuti ʋarwe naʋaSiria.

11Ʋamŋe ʋanhu, ʋakasara, akaʋaisa kunaAbishai, munuŋuna wake, ʋakaɀigadzira kuti ʋarwe naʋana ʋaAmoni.

12Akati: Kana ʋaSiria ʋakandikurira ini, iwe unofanira kundiɓatsira; asi kana ʋana ʋaAmoni ʋakakukurira iwe, ini ndicaʋuya kukuɓatsira.

13Tsuŋga mŋoyo, tirwire ʋanhu ʋeɗu namaguta aMŋari weɗu saʋarume; naJehova ŋgaaite seɀaanoɗa.

14Naiɀoɀo Joabi naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo ʋakasweɗera kuzorwa naʋaSiria, iʋo ʋakatiza pamberi pake.

15Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaSiria ʋatiza, naiʋo ʋakatiza ʋo saiɀoɀo pamberi paAbishai, ʋakapinda muguta. Ipapo Joabi akaenda Jerusarema.

16Ɀino ʋaSiria ʋakati ʋaciʋona kuti ʋakundwa naʋaIsraeri, ʋakatuma nhume, ʋakaɗana ʋaSiria ʋakaŋga ʋari mhiri kwoRwizi, ʋakatuŋgamirirwa naShofaki mukuru wehondo yaHadarezeri.

17Davidi akaʋudzwa iɀoɀo; akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose, ʋakayambuka Joridani, ʋakaȿika kwaʋari, akaɀigadzira kuzorwa naʋo. Ɀino Davidi wakati aɀigadzira kuzorwa naʋaSiria, iʋo ʋakarwa naye.

18ƲaSiria ʋakatiza pamberi paʋaIsraeri; Davidi akaʋuraya pakati paʋaSiria ʋarume ʋeŋgoro dzineɀuru ɀinomŋe, naʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinamakumi manna, akaʋuraya ʋo Shofaki mukuru wehondo.

19Ɀino ʋaranda ʋaHadarezeri ʋakati ʋaciʋona kuti ʋakundwa naIsraeri, ʋakayanana naDavidi, ʋakamushumira; ʋaSiria ʋakazoramba kuɓatsira ʋana ʋaAmoni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help