Ezekieri 26 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Cireʋo pamsoro pokuparadzwa kweTire.

1Ɀino negore regumi nerimŋe, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:

2Mŋanakomana womunhu, Tire ɀarakati pamsoro peJerusarema: Toko! Raputsika, iro raiʋa suʋo ramarudzi; roriŋgira kwandiri, ɀino ini ndicazadzwa ɀe, iro ɀaraitwa ɗoŋgo.

3Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe Tire, ndicaʋuyisa marudzi mazhinji kuzorwa newe, seɀinoʋuyisa guŋgwa mafuŋgu aro.

4Ʋacaparadza maȿiŋgo eTire, nokukoromora shoŋgwe dzaro; ndicaritȿairira guruʋa raro, riite soruware rusinecinhu.

5Ricaʋa nɀimbo panonikwa mimbure pakati peguŋgwa, nokuti ndakaɀitaura ini — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; ricaʋa kumarudzi secinhu cakapambga.

6Ʋakunda ʋaro ʋari kuruwa ʋacaʋurawa nomunondo; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

7Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndicaʋuyisira Tire Nebukadrezari mambo weBabironi, mambo wamadzimambo, acibva kurutiʋi rwokumsoro anamabiza neŋgoro naʋataȿi ʋamabiza, nehondo naʋanhu ʋazhinji.

8Iye ucaʋuraya nomunondo ʋakunda ʋako ʋari kuruwa, ucakuʋakira nhare dzokurwa newe, nokukututira murwi wokurwa newe, nokukusimudzira nhoʋo yokurwa.

9Ucamisa ɀokugumura pamaȿiŋgo ako, ucakoromora shoŋgwe dzako nehubga.

10Nokuwanda kwamabiza ake guruʋa rawo ricakufukidza; maȿiŋgo ako acaɗeŋgenyeka nomubvumo waʋataȿi ʋamabiza, namakumbo eŋgoro, neŋgoro, paŋguʋa yaacapinda pamasuʋo ako, somupindirwe weguta rakakoromorerwa ruȿiŋgo.

11Ucatsika nzira dzako dzose dzomuguta namahwanda amabiza ake, ucaʋuraya ʋanhu ʋako nomunondo, neshoŋgwe dzinoratidza simba renyu dzicawira pasi.

12Ʋacapamba fuma yako nokukutorera ɀokushambadzira ɀako, ʋacakoromora maȿiŋgo ako, nokuparadza dzimba dzako dzinofadza; ʋacaisa mabge ako namatanda ako neguruʋa rako mukati memvura zhinji.

13Ndicagumisa manzwi enziyo dzako, kurira kwembira dzako hakuŋgazonzwiki.

14Ndicakuita ruware rusinecinhu, ucaʋa nɀimbo panonikwa mimbure; haucazoʋakwi ɀe, nokuti ini Jehova ndakaɀitaura — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

15Ɀanzi naShe Jehova kuTire: Ko ɀiwi haɀiŋgaɗeŋgenyeki here nomubvumo wokuwa kwako, kana ʋakakuʋadzwa ʋacigomera, kana ʋanhu ʋaciʋurawa mukati mako here?

16Neŋguʋa iyo macinda ose okuguŋgwa acaɓuruka paɀigaro ɀawo ɀoʋushe, ʋacaisa pasi ŋguʋo dzaʋo dzoʋushe nokubvisa ɀokufuka ɀaʋo ɀakarukwa; ʋacafuka kuɗeɗera, ʋacagara pasi ʋaciŋgoɗeɗera ʋacishamiswa pamsoro pako.

17Ʋacaita mariro pamsoro pako, ʋaciti kwauri: Haiwa, wakaparadzwa sei, iwe wakaŋga wakagarwa naʋanhu ʋaiziʋa kufamba neguŋgwa, iro guta rakaŋga rinembiri, rakaŋga rinesimba paguŋgwa, iro naʋanhu ʋaro, ʋaityisa ʋose ʋagere’ko.

18Ɀino ɀiwi ɀicaɗeŋgenyeka nezuʋa rokuwa kwako; ɀirokwaɀo, ɀiwi ɀiri muguŋgwa ɀicavunduka nokubviswa kwako.

19Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Neŋguʋa yandicakuita guta ɗoŋgo, seɀakaita maguta asinaʋanhu, neŋguʋa yandicaʋuyisa guŋgwa rakadzika pamsoro pako, ukafukidzwa nemvura zhinji;

20neŋguʋa iyo ndicakuɓurusa pamŋe cete naʋanoɓurukira mugomba, kuʋanhu ʋekare; ndicakugarisai panɀimbo dziri pasi dzenyika, pakaŋga panamatoŋgo kare nakare, pamŋe cete naʋanoɓurukira mugomba, kuti urege kugarwa naʋanhu; asi ndicaisa mufaro munyika yaʋapenyu.

21Asi iwe ndicakuita cinhu cinotyisa, hauŋgazoʋi’po; kunyaŋge ukatȿakwa, hauŋgawanikwi ɀe nokusiŋgaperi — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help