Mapisarema 140 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unonyeŋgetera kuti arwirwe paʋaʋeŋgi ʋake.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.

1Ndirwirei Jehova, pamunhu wakaipa;

Ndiceŋgetei pamunhu unehasha;

2Iʋo, ʋanofuŋga ɀakaipa mumŋoyo yaʋo;

Ʋanogara ʋacimutsa kurwa.

3Ʋakarodza rurimi rwaʋo senyoka;

Ʋuturu bgeciʋa ʋuri pasi pemiromo yaʋo.

4Ndiceŋgetei, Jehova, pamaʋoko owakaipa;

Ndiceŋgetei pamunhu unomanikidza;

Ʋanofuŋga mano okugumbusa tsoka dzaŋgu.

5Ʋanoɀikudza ʋakandiʋanzira musuŋgo namaɓote;

Ʋakadzika mumbure parutiʋi rwenzira:

Ʋakanditeyera rugombe.

6Ndakati kunaJehova: Ndimi Mŋari waŋgu;

Tererai, Jehova, munzwe inzwi rokukumbira kwaŋgu.

7Mŋari Ishe, ndimi simba rokuponeswa kwaŋgu,

Makafukidza musoro waŋgu pazuʋa rokurwa.

8Jehova, regai kupa wakaipa ɀaanotȿaka;

Musapfuʋudza zano rake rakaipa; kuti ʋarege kuɀikudza.

9Kana uri musoro waʋanondikomba,

Ɀakashata ɀemiromo yaʋo imene ŋgaɀiʋafukidze.

10Mazimbe omŋoto, anopfuta, ŋgaawire pamsoro paʋo;

Ŋgaʋakandirwe mumŋoto;

Nomumakomba akadzika, kuti ʋarege kumuka ɀe.

11Munhu, unamakuhwa, haaŋgasimbiswi pasi;

Ɀakaipa ɀicavima munhu unomanikidza kuti ɀimuparadze.

12Ndinoziʋa kuti Jehova ucagadzira mhoȿa yaʋanotambudzika,

Nokururamisira ʋashaiwi.

13Ɀirokwaɀo, ʋakarurama ʋacaʋoŋga zita renyu;

Ʋanemŋoyo yakarurama ʋacagara pamberi penyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help