Isaya 12 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo rwokuʋoŋga.

1Nezuʋa iro ucati: Ndinokuʋoŋgai Jehova; makaŋga makanditsamŋira, asi kutsamŋa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza.

2Tarirai, Mŋari ndiye ruponeso rwaŋgu; ndicaʋimba naye, handiŋgatyi; nokuti Jehova, iye Jehova, ndiye simba raŋgu norwiyo rwaŋgu; iye waʋa ruponeso rwaŋgu.

3Saka mucacera mvura nomufaro pamatsime oruponeso.

4Ɀino nezuʋa iro mucati: Ʋoŋgai Jehova, paridzai zita rake, ziʋisai maɓasa ake pakati paʋanhu, muʋudze ʋanhu kuti zita rake rinokudziwa.

5Imbirai Jehova; nokuti wakaita ɀinhu ɀakaiȿo‐naka; iɀi ŋgaɀizikanwe panyika yose.

6Ƌanidzira upururudze, iwe ugere paZioni; nokuti Mutȿene waIsraeri mukuru pakati penyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help