1Hareruya!
Rumbidzai, imi ʋaranda ʋaJehova,
Rumbidzai zita raJehova.
2Zita raJehova ŋgarikudzwe
Kubva paŋguʋa ino kuȿikira pakusiŋgaperi.
3Kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro
Zita raJehova rinofanira kurumbidzwa.
4Jehova uri kumsoro kwaʋahedeni ʋose,
Nokubginya kwake kumsoro kwokuɗeŋga‐ɗeŋga.
5Ndianiko wakafanana naJehova Mŋari weɗu,
Iye unogara kumsoro,
6Iye unoɀiɗukupisa kuti aʋone
Ɀiri kuɗeŋga napasi?
7Unosimudza murombo abve muguruʋa,
Nomushaiwi unomumutsa abve paɗurunhuru;
8Kuti amugarise pamŋe cete namacinda,
Iwo macinda aʋanhu ʋake.
9Unogarisa mukadzi usiŋgaɓereki mumba,
Aʋe mai ʋanofara naʋana.
Hareruya!
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.