Mapisarema 113 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova, Muɓatsiri mukuru waʋaɗuku, ŋgaarumbidzwe.

1Hareruya!

Rumbidzai, imi ʋaranda ʋaJehova,

Rumbidzai zita raJehova.

2Zita raJehova ŋgarikudzwe

Kubva paŋguʋa ino kuȿikira pakusiŋgaperi.

3Kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro

Zita raJehova rinofanira kurumbidzwa.

4Jehova uri kumsoro kwaʋahedeni ʋose,

Nokubginya kwake kumsoro kwokuɗeŋga‐ɗeŋga.

5Ndianiko wakafanana naJehova Mŋari weɗu,

Iye unogara kumsoro,

6Iye unoɀiɗukupisa kuti aʋone

Ɀiri kuɗeŋga napasi?

7Unosimudza murombo abve muguruʋa,

Nomushaiwi unomumutsa abve paɗurunhuru;

8Kuti amugarise pamŋe cete namacinda,

Iwo macinda aʋanhu ʋake.

9Unogarisa mukadzi usiŋgaɓereki mumba,

Aʋe mai ʋanofara naʋana.

Hareruya!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help