1Kuɗarika kwowakaipa kunoreʋa mumŋoyo maŋgu, kuciti:
Hakuno‐kutya Mŋari pamberi pameso ake.
2Nokuti unoɀiɓata kumeso kwake,
Aciti ɀakaipa ɀake haɀiŋgazikanwi ɀikaʋeŋgwa.
3Mashoko omuromo wake ndiɀo ɀakaipa nokunyeŋgera;
Wakarega kuzoʋa wakacenjera nokuita ɀakanaka.
4Unofuŋga ɀakaipa panhoʋo dzake;
Unofamba nenzira isina‐kunaka;
Haasemi ɀakaipa.
5Ʋunyoro bgenyu, Jehova, bgakaȿika kuɗeŋga‐ɗeŋga;
Kutendeka kwenyu kunoȿikira kumakore;
6Kururama kwenyu kwakafanana namakomo aMŋari;
Kutoŋga kwenyu kwakadzika ɀikuru;
Jehova, munoceŋgeta ʋanhu nemhuka.
7Ʋunyoro bgenyu, Mŋari, bgakanaka‐naka sei!
Ʋana ʋaʋanhu ʋanondoʋanda pasi pomumvuri wamapapiro enyu.
8Ʋacagutswa kwaɀo neɀakakora ɀeimba yenyu;
Mucaʋanwisa parwizi rweɀinofadza ɀenyu;
9Nokuti kwamuri ndiko kunetsime roʋupenyu;
Muciedza cenyu ndi’mo matinoʋona ciedza.
10Rambai muciitira ʋanokuziʋai ʋunyoro bgenyu;
Nokururama kwenyu kunaʋanemŋoyo yakarurama.
11Rutsoka rwounoɀikudza ŋgarurege kuȿikira kwandiri,
Ruʋoko rwowakaipa ŋgarurege kundidziŋga.
12Apo ndo’pakawira pasi ʋaiti ʋeɀakaipa;
Ʋakawisirwa pasi, haʋaŋgagoni kumuka ɀe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.