Mapisarema 36 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kuipa kwowakaipa nokunaka kwaMŋari.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi muranda waJehova.

1Kuɗarika kwowakaipa kunoreʋa mumŋoyo maŋgu, kuciti:

Hakuno‐kutya Mŋari pamberi pameso ake.

2Nokuti unoɀiɓata kumeso kwake,

Aciti ɀakaipa ɀake haɀiŋgazikanwi ɀikaʋeŋgwa.

3Mashoko omuromo wake ndiɀo ɀakaipa nokunyeŋgera;

Wakarega kuzoʋa wakacenjera nokuita ɀakanaka.

4Unofuŋga ɀakaipa panhoʋo dzake;

Unofamba nenzira isina‐kunaka;

Haasemi ɀakaipa.

5Ʋunyoro bgenyu, Jehova, bgakaȿika kuɗeŋga‐ɗeŋga;

Kutendeka kwenyu kunoȿikira kumakore;

6Kururama kwenyu kwakafanana namakomo aMŋari;

Kutoŋga kwenyu kwakadzika ɀikuru;

Jehova, munoceŋgeta ʋanhu nemhuka.

7Ʋunyoro bgenyu, Mŋari, bgakanaka‐naka sei!

Ʋana ʋaʋanhu ʋanondoʋanda pasi pomumvuri wamapapiro enyu.

8Ʋacagutswa kwaɀo neɀakakora ɀeimba yenyu;

Mucaʋanwisa parwizi rweɀinofadza ɀenyu;

9Nokuti kwamuri ndiko kunetsime roʋupenyu;

Muciedza cenyu ndi’mo matinoʋona ciedza.

10Rambai muciitira ʋanokuziʋai ʋunyoro bgenyu;

Nokururama kwenyu kunaʋanemŋoyo yakarurama.

11Rutsoka rwounoɀikudza ŋgarurege kuȿikira kwandiri,

Ruʋoko rwowakaipa ŋgarurege kundidziŋga.

12Apo ndo’pakawira pasi ʋaiti ʋeɀakaipa;

Ʋakawisirwa pasi, haʋaŋgagoni kumuka ɀe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help