Mapisarema 13 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unoʋimba nokuɓatsira kwaMŋari.Kumutuŋgamiriri wokuimba; Pisarema raDavidi.

1Jehova mucandikaŋganwa nokusiŋgaperi kuȿikira rini?

Mucandiʋanzira ciso cenyu kuȿikira riniko?

2Ndicafuŋga mano mumŋeya maŋgu kuȿikira rini,

Ndineshuŋgu pamŋoyo paŋgu zuʋa rimŋe nerimŋe?

Muʋeŋgi waŋgu ucandikurira kuȿikira rini?

3Raŋgarirai, mundipindure, Jehova Mŋari waŋgu;

Venekerai meso aŋgu, ndirege kuʋata hope dzokufa;

4Muʋeŋgi waŋgu arege kuti: Ndamukunda;

Ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋarege kufara kana ndicizunuŋguka.

5Asi ndakaʋimba nenyasha dzenyu;

Mŋoyo waŋgu ucafara nokuponesa kwenyu;

6Ndicaimbira Jehova,

Nokuti wakandiitira ɀakanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help