1Jotami wakataŋga kuɓata ʋushe aȿika makore makumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namatanhatu; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jerusha mukunda waZadoki.
2Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, akaita ɀose ɀakaitwa naɓaɓa ʋake Uzia; asi haana‐kupinda mutembere yaJehova. Ʋanhu ʋakaramba ʋaciita ɀakashata.
3Akaʋaka suʋo rokumsoro reimba yaJehova, akaʋaka ʋo ɀizhinji pamsoro poruȿiŋgo rweOferi.
4Wakaʋaka ʋo maguta panyika yamakomo yaJuda, ʋuye akaʋaka nhare neshoŋgwe mumatondo.
5Wakarwa ʋo namambo waʋana ʋaAmoni, akaʋakunda. Negore iro ʋana ʋaAmoni ʋakamupa matarenta esirveri anezana, neɀiyero ɀeɀiyo ɀineɀuru ɀinegumi, neɀiyero ɀebari ɀineɀuru ɀinegumi. Ʋana ʋaAmoni ʋakamupa ɀizhinji ɀakaɗai pagore recipiri, negore recitatu ʋo.
6Naiɀoɀo Jotami akasimba, nokuti wakagadzira nzira dzake pamberi paJehova Mŋari wake.
7Ɀino mamŋe maɓasa aJotami, nokurwa kwake kwose, netsika dzake, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamadzimambo aIsraeri naaJuda.
8Wakataŋga kuɓata ʋushe aȿika makore makumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namatanhatu.
9Jotami akaʋata namadziɓaɓa ake; ʋakamuʋiga muguta raDavidi; Ahazi mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.