Genesi 49 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jakobo unoropafadza ʋanakomana ʋake.

1Ɀino Jakobo wakaɗana ʋanakomana ʋake, akati: Ʋuŋganai, ndikuʋudzei ɀamucaitirwa namazuʋa anoteʋera.

2Ʋuŋganai, munzwe, imi ʋanakomana ʋaJakobo,

Tererai Israeri, ɓaɓa ʋenyu.

3Rubeni, iwe uri ɗaŋgwe raŋgu, simba raŋgu, nokutaŋga kwesimba raŋgu;

Ʋukuru bgokukudzwa, noʋukuru bgesimba;

4Unotutuma semvura, hauŋgaʋi noʋukuru;

Nokuti wakakwira kuʋuʋato bgaɓaɓa ʋako,

Ukaʋuȿiɓisa; wakakwira kumubeda waŋgu.

5Simeoni naRevi ʋana ʋamai ʋamŋe;

Minondo yaʋo inhumbi dzokurwa nesimba.

6Mŋeya waŋgu, rega kupinda pakuraŋgana kwaʋo,

Kukudzwa kwaŋgu, rega kusoŋganiswa neʋuŋgano dzaʋo;

Nokuti pakutsamŋa kwaʋo ʋakaʋuraya ʋanhu,

Nokuɗa kwaʋo ʋakagura marunda eŋombe.

7Kutsamŋa kwaʋo ŋgakutukwe, nokuti kwakaŋga kuri kukuru;

Nehasha dzaʋo, nokuti dzakaŋga dzakaipa;

Ndicaʋaparadzanisa pakati paJakobo,

Nokuʋaparadzira pakati paIsraeri.

8Iwe Juda, ucarumbidzwa nehama dzako;

Ruʋoko rwako rucaʋa pamitsipa yaʋaʋeŋgi ʋako,

Ʋana ʋaɓaɓa ʋako ʋacakotamira pamberi pako.

9Juda mŋana weshumba;

Iwe mŋanakomana waŋgu, wakwira ucibva paneɀakaʋurawa;

Wakakotama, wakanyaŋga seshumba,

Seshumbakadzi; ndianiko ucamumutsa?

10Tȿimbo yoʋushe haiŋgabvi kunaJuda,

Kana muɗonɀo womuɓati pakati petsoka dzake,

Kuȿikira Shiro aʋuya;

Ndudzi dzose dzaʋanhu dzicamuerera iye.

11Unosuŋgira mboŋgoro yake pamuzambiriŋga,

Nomŋana wemboŋgoro yake pamuzambiriŋga wakaiȿo‐naka;

Wakasuka ŋguʋo dzake newaini,

Neɀokufuka ɀake muropa ramazambiriŋga

12Meso ake acatȿuka newaini,

Meno ake acacena nomukaka.

13Zeburuni ucagara pamhenderekedzo dzeguŋgwa;

Iye ucaʋa mhenderekedzo panopinda ɀikepe;

Muganhu wake ucaȿika paZidoni.

14Isakari imboŋgoro inesimba,

Inoʋata pasi pakati pamataŋga amakwai;

15Akaʋona zororo kuti rakanaka.

Nenyika kuti inofadza,

Akarerekera fudzi rake kuti atakure,

Akaʋa muɓatiri wecibaro.

16Dani ucatoŋga mhaka dzaʋanhu ʋake,

Sorumŋe rwamarudzi aIsraeri.

17Dani ucaʋa senyoka munzira,

Semvumbi mugwara,

Inoruma ɀitsitsinho ɀebiza;

Kuti mutaȿi waro awire pasi neshure.

18Ndakamirira ruponeso rwenyu, imi Jehova.

19Gadi ucaʋambga nehondo,

Asi iye ucaʋaʋamba paɀitsitsinho ɀaʋo.

20Asheri ucaʋa neɀokudya ɀakakora;

Iye ucaʋuya neɀinonaka ɀinofanira madzishe.

21Naftari ishece yemhembge yakasunuŋguka,

Unotaura mashoko akanaka.

22Josefa iɗaʋi rinoɓereka,

Iɗaʋi rinoɓereka patsime;

Mataʋi ake anoɗarika madziro.

23Ʋafuri noʋuta ʋakamutambudza kwaɀo,

Ʋakamufura, ʋakamuʋeŋga;

24Asi ʋuta bgake bgakaramba ʋunesimba,

Maʋoko eɀanza ɀake akasimbiswa

Namaʋoko oWamasimba ose waJakobo,

(Ndi’po panobva Mufudzi, neBge raIsraeri),

25Mŋari waɓaɓa ʋako ucakuɓatsira;

Wamasimba ose, ucakuropafadza

Neropafadzo dzinobva kuɗeŋga kumsoro,

Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi,

Ropafadzo dzamazamu nedzeciɀaro.

26Ropafadzo dzaɓaɓa ʋako

Dzinopfuʋura ropafadzo dzamateteguru aŋgu,

Kuȿikira kumugumo wamakomo asiŋgaperi;

Dzicagara pamusoro waJosefa,

Pamusoro waiye wakaŋga ari mucinda pakati pehama dzake.

27Benjamini iɓere rinoparadza;

Maŋgwanani ucadya cakaʋurawa,

Maɗeko ucagoʋera ɀaakapamba.

28Aʋa ʋose ndiwo marudzi anegumi namaʋiri aIsraeri; ndiɀo ɀakataura ɓaɓa ʋaʋo kwaʋari, akaʋaropafadza; ʋakaropafadza mumŋe nomumŋe nokuropafadzwa kwake.

29Akaʋaraira, akati kwaʋari: Ini ndobva ndosoŋganiswa naʋanhu ʋaŋgu; mundondiʋiga kunamadziɓaɓa aŋgu, muɓako riri mumunda waEfroni, muHeti,

30ɓako riri mumunda weMakpera, pakatarisana neMamre, panyika yeKanani, riya rakateŋgwa naAbrahama pamŋe cete nomunda kunaEfroni, muHeti, kuti ɀiʋe ɀake, iʋe nɀimbo yake yokuʋiga;

31ndi’po paʋakaʋiga Abrahama naSara, mukadzi wake; ndi’po paʋakaʋiga Isaka naRebeka, mukadzi wake; ndi’po pandakaʋiga Rea;

32munda uya neɓako riri mukati mawo, ɀakateŋgwa kuʋana ʋaHeti.

33Ɀino Jakobo wakati apedza kuraira ʋanakomana ʋake, akadzosera tsoka dzake paʋuʋato, mŋeya wake ukaɓuɗa, akasoŋganiswa naʋanhu ʋake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help