ƲaFiripi 3 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kushiŋgaira kwaPauro kuziʋa Kristu.

1Pakupedzisira, hama dzaŋgu, farai munaShe. Ini handinetswi nokukunyorerai ɀe ɀinhu ɀiya, asi ɀinokusimbisai imi.

2Ityai imbga, ityai ʋaɓati ʋakaipa, ityai ʋokuceka;

3nokuti isu tiri ʋokudziŋgiswa, tinonamata noMŋeya waMŋari, tinoɀirumbidza munaKristu Jesu, tisiŋgaʋimbi nenyama,

4kunyaŋge ini haŋgu ndiŋgaʋimba nenyama; kana kunomumŋe munhu unoti ndinoʋimba nenyama, ɀikuru ini.

5Ndakadziŋgiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwaʋaIsraeri ʋeimba yaBenjamini, muHeberu waʋaHeberu; pamurairo ndiri muFarise;

6pakushiŋgaira kwaŋgu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebga nomurairo ndakaŋga ndisina‐candiŋgapomerwa.

7Asi iɀoɀo, ɀaiʋa fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuɗa kwaKristu.

8Hoŋo, ɀirokwaɀo, ndinototi ɀinhu ɀose kurashikirwa hako nokuɗa kwokunaka kwokuziʋa Kristu Jesu, Ishe waŋgu, wandakarashikirwa neɀinhu ɀose nokuɗa kwake, ndikaɀiidza marara, kuti ndiwane Kristu;

9ndiwanikwe maari, ndisina‐kururama kwaŋgu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMŋari nenzira yokutenda;

10kuti ndimuziʋe iye, nesimba rokumuka kwake, nokusoŋgana naye pamaɗambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;

11kuti ɀimŋe ndiȿike pakumuka kwaʋakafa.

12Handiti ndatociwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshiŋgairira’ko, kuti ɀimŋe ndiciɓate, ico Kristu Jesu caakambondiɓatira.

13Hama dzaŋgu, ini handiti ndatociɓata, asi ndinoita cinhu cimŋe: ndinokaŋganwa ɀiri shure, ndicinanaʋira kuneɀiri mberi,

14ndinoshiŋgairira kunharidzano, kuti ndipiwe muɓairo wokuɗana kwaMŋari kunobva kuɗeŋga, munaKristu Jesu.

15Naiɀoɀo isu tose, takakura, ŋgatiʋe nomŋoyo wakaɗaro; kana imi munomumŋe mŋoyo, Mŋari ucakuratidzai naiɀoɀo ʋo.

16Asi, ŋgatirambe ticifamba ɓedzi nomurairo iwoyu wataȿika nawo pataȿika.

17Hama dzaŋgu, iʋai ʋateʋeri ʋaŋgu mose; natsai kutarira aʋo ʋanofamba saiɀoɀo seɀatakakutuŋgamirirai su.

18Nokuti ʋazhinji, ʋandakakuʋudzai ɀizhinji, naɀino ndinokuʋudzai ʋo nokucema, ʋanofamba ʋari ʋaʋeŋgi ʋomucinjikwa waKristu;

19kuguma kwaʋo ndiko kuparadzwa, mŋari waʋo iɗumbu raʋo, ʋanoɀirumbidza pamsoro peɀinonyadzisa ɀaʋo, ʋanofuŋga ɀenyika.

20Nokuti nyika yeɗu iri kuɗeŋga, uko kwatakatarira kuʋuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu;

21uyo ucaʋandudza muʋiri wokuninipiswa kweɗu, kuti ufanane nomuʋiri wokubginya kwake, nesimba iro raanogona ʋo naro kuɀiisira ɀose pasi pake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help