Mapisarema 94 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova ndiye Mutoŋgi wakarurama.

1Jehova, imi Mŋari mutsiʋi,

Imi Mŋari mutsiʋi, penyai.

2Ɀisimudzei, imi Mutoŋgi wenyika;

Ipai ʋanoɀikudza seɀaʋakafanira.

3Jehova, ʋakaipa ʋacafara kwaɀo kuȿikira riniko,

Ʋakaipa ʋacafara kwaɀo kuȿikira rini?

4Ʋanoŋgotaura haʋo, ʋanotaura ʋaciɀikudza,

Ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa ʋanoita manyawi.

5Ʋanopxanya ʋanhu ʋenyu, Jehova,

Ʋacitambudza nhaka yenyu.

6Ʋanoʋuraya cirikadzi nomŋeni,

Nenherera ʋanodziʋuraya.

7Ʋaciti: Jehova haaɀiʋoni,

Mŋari waJakobo haaɀiraŋgariri.

8Raŋgarirai imi ʋasinenjere pakati paʋanhu;

Nemi mapenzi, mucaʋa ʋakacenjera riniko?

9Iye, wakasima nzeʋe, haaŋganzwi here?

Iye, wakaʋumba ziso, haaŋgaʋoni here?

10Iye, unoraŋga ʋahedeni, haaŋgarairi here,

Iye, unodzidzisa ʋanhu ziʋo?

11Jehova unoziʋa kufuŋga kwaʋanhu,

Kuti haɀinamaturo.

12Wakaropafadzwa munhu, unoraŋgwa nemi, Jehova,

Iye wamunodzidzisa pamurairo wenyu;

13Kuti mumuzorodzei pamazuʋa okutambudzika,

Kuȿikira ʋakaipa ʋacererwa gomba.

14Nokuti Jehova haaŋgarashi ʋanhu ʋake,

Ʋuye haaŋgasiyi nhaka yake.

15Nokuti kutoŋga kucadzokera kukururama;

Ʋose ʋanemŋoyo yakarurama ʋacakuteʋera.

16Ndianiko ucandirwira paʋaiti ʋeɀakaipa?

Ndianiko ucandiɓatsira panaʋanoita ɀakaipa?

17Ƌai Jehova asaiʋa muɓatsiri waŋgu,

Mŋeya waŋgu uŋgaɗai wakakurumidza kugara pakati ŋwii.

18Paŋguʋa yandakati: Rutsoka rwaŋgu rwotedzemuka;

Ŋgoni dzenyu, Jehova, dzakanditsigira.

19Mundaŋgariro dzaŋgu zhinji mukati maŋgu

Kunyaradza kwenyu kunofadza mŋeya waŋgu.

20Cigaro ceɀakaipa ciŋgashamŋaridzana nemi here,

Ico cinofuŋga kuita ɀakashata nemitemo yaco?

21Ʋanoʋuŋganira ʋupenyu bgowakarurama,

Ʋacipa mhoȿa ropa risinemhoȿa.

22Asi Jehova ndiye nhare yaŋgu yakasimba;

Mŋari waŋgu iɗombo roʋutiziro bgaŋgu.

23Ucadzosera pamsoro paʋo kutadza kwaʋo,

Ucaʋaparadza pakati pokuipa kwaʋo;

Jehova Mŋari weɗu ucaʋaparadza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help