Mapisarema 38 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unocema kunaJehova pakutambudzika kwake.Pisarema raDavidi, rokuyeʋudzira.

1Haiwa Jehova, regai kundiraira pakutsamŋa kwenyu;

Musandiraŋga nokusafara kwenyu kukuru.

2Nokuti miseʋe yenyu yandiɓaya,

Ruʋoko rwenyu runonditsikirira kwaɀo.

3Hakucino‐ʋukukutu panyama yaŋgu nokuɗa kwehasha dzenyu;

Ʋuye hapacino‐mufaro pamafupa aŋgu nokuɗa kweciʋi caŋgu.

4Nokuti ɀakaipa ɀaŋgu ɀafukidza musoro waŋgu;

Ɀinondiremera somutoro unorema.

5Maronda aŋgu anonhuwa, akaʋora,

Nokuɗa kwoʋupenzi bgaŋgu.

6Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwaɀo,

Ndinofamba ndicicema zuʋa rose.

7Nokuti ciʋuno caŋgu cinopisa ɀikuru;

Hakucino‐ʋukukutu panyama yaŋgu.

8Ndakati rukutu, ndavunika kwaɀo;

Ndakagomera nokuɗa kwokutambudzika kwomŋoyo waŋgu.

9Ishe, ɀose ɀinoɗa mŋoyo waŋgu ɀiri pamberi penyu;

Hamuna‐kuʋanzirwa kugomba kwaŋgu.

10Mŋoyo waŋgu unopfura, ndapererwa nesimba raŋgu;

Kana ciri ciedza cameso aŋgu, naico cabva kwandiri.

11Ʋanondiɗa, neshamŋari dzaŋgu, ʋanomira kure nokuɗa kwehosha yaŋgu;

Ʋuye hama dzaŋgu dzimire kure.

12Ʋanotȿaka ʋupenyu bgaŋgu ʋanonditeyira misuŋgo;

Ʋuye ʋanotȿaka kundikuʋadza ʋanotaura ɀokuparadzwa kwaŋgu,

Asi ʋanofuŋga kundinyeŋgera zuʋa rose.

13Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi;

Ndakafanana nembeʋeʋe isiŋgashamisi muromo wayo.

14Ɀirokwaɀo, ndakafanana nomunhu usiŋganzwi,

Usinemhinduro pamuromo wake.

15Nokuti ndimi, Jehova, wandinotarira;

Imi mucapindura, Jehova Mŋari waŋgu.

16Nokuti ndakati: Ŋgaʋarege kufara pamsoro paŋgu;

Kana rutsoka rwaŋgu rucitedzemuka, ʋanoɀikudza pamsoro paŋgu.

17Nokuti ndinoʋaʋarira kugumburwa,

Ʋuye njodzi yaŋgu iri pamberi paŋgu ŋguʋa dzose.

18Nokuti ndicaɀireʋurura ɀakaipa ɀaŋgu;

Ndicacema ɀiʋi ɀaŋgu.

19Asi ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋakaȿinuka, ʋanesimba;

Ʋuye ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ʋawanda.

20Naiʋo ʋo ʋanotsiʋa ɀakaipa neɀakanaka,

Ndiʋo ʋadziʋisi ʋaŋgu, nokuti ndinoteʋera cinhu cakanaka.

21Regai kundisiya, Jehova;

Mŋari waŋgu, regai kuʋa kure neni.

22Kurumidzai kundiɓatsira,

Ishe, imi muponesi waŋgu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help