1Nokuɗa kweZioni handiŋgarambi ndinyerere, nokuɗa kweJerusarema handiŋgazorori, kuȿikira kururama kwaro kuciɓuɗa secadzera, nokuponeswa kwaro somŋenje unopfuta.
2Marudzi aʋanhu acaʋona kururama kwako, namadzimambo ose kurumbidzwa kwako; ucatumidzwa zita idɀa, ricarebga nomuromo waJehova.
3Iwe ucaʋa ʋo korona yakanaka muruʋoko rwaJehova, noʋukomba bgoʋumambo muruʋoko rwaMŋari wako.
4Haucazonzi, Musiyiwa; nenyika yako haicazonzi Ƌoŋgo; asi iwe ucatumidzwa zita rinonzi Hefziba, nenyika yako Beura; nokuti Jehova unokufarira, nenyika yako icawanikwa.
5Nokuti jaya seɀarinowana mhandara, saiɀoɀo ʋanakomana ʋako ʋacakuwana; ʋuye cikomba seɀacinofarira mŋeŋga, saiɀoɀo Mŋari wako ucakufarira.
6Ndakagadza nharirire pamsoro pamaȿiŋgo ako, iwe Jerusarema; haʋaŋgatoŋgonyarari masikati noʋusiku; imi ʋayeʋudziri ʋaJehova, regai kunyarara,
7ʋuye musamutendera kuzorora, kuȿikira asimbisa iɀoɀo, kuȿikira aita Jerusarema guta rinorumbidzwa panyika.
8Jehova wakapika noruʋoko rwake rworudyi, ʋuye noruʋoko rwake runesimba, aciti: Ɀirokwaɀo handicazopi ʋaʋeŋgi ʋako ɀiyo ɀako, ɀiʋe ɀokudya ɀaʋo, naʋatorwa haʋacazonwi waini yako itȿa, yawakatamburira;
9asi ʋakaɀikohwa ndiʋo ʋacaɀidya, ʋacirumbidza Jehova; ʋakaiʋuŋganidza ndiʋo ʋacainwa pamaʋazhe eimba yaŋgu tȿene.
10Pindai, pindai napamasuʋo, gadzirai nzira yaʋanhu; tutirai, tutirai mugwagwa, bvisai mabge, simudzirai ʋanhu mureza.
11Tarirai, Jehova wakaparidza shoko kuȿikira kumugumo wenyika, aciti: Ʋudzai mukunda weZioni, muti: Tarira, ruponeso rwako runoʋuya; tarira, muɓairo wake unawo, ɀaanoripira ɀiri pamberi pake.
12Ʋacaʋatumidza zita rinonzi Ʋanhu ʋatȿene, Ʋakadzikinurwa ʋaJehova; newe ucatumidzwa zita rinonzi Mutȿakwa, Guta risina‐kusiyiwa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.