1Haiwa Jehova, regai kundiraira pakutsamŋa kwenyu,
Musandiroʋa nokusafara kwenyu kukuru.
2Ndinzwirei nyasha, Jehova; nokuti ndawonda;
Ndiporisei, Jehova; nokuti mafupa aŋgu anotambudzika.
3Mŋeya waŋgu unotambudzika ʋo ɀikuru;
Asi imi Jehova, mucanonoka kuȿikira riniko?
4Dzokai Jehova, murwire mŋeya waŋgu;
Ndiponesei nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu.
5Nokuti parufu hapana‐ucakuraŋgarirai;
Ndiani ucakuʋoŋgai paSheori?
6Ndaneta nokugomba kwaŋgu;
Ʋusiku ʋumŋe noʋumŋe ndinoshambirisa nhoʋo dzaŋgu;
Ndinonyoroɀa mubeda waŋgu nemisodzi yaŋgu.
7Ziso raŋgu rapera nokucema,
Rinosakara nokuɗa kwaʋadziʋisi ʋaŋgu.
8Ibvai kwandiri, imi ʋaɓati ʋose ʋeɀakaipa;
Nokuti Jehova wakanzwa inzwi rokucema kwaŋgu.
9Jehova wakanzwa kukumbira kwaŋgu;
Jehova ucagamucira munyeŋgetero waŋgu.
10Ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋose ʋacanyadzwa nokutambudzika ɀikuru;
Ʋacadzoka, ʋacanyadzwa pakarepo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.