Joshua 16 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Nhaka yaEfraimi.

1Mugoʋe waʋana ʋaJosefa wakataŋga paJoridani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuʋa kurenje, ucitaŋga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo ucienda Beti‐eri;

2ndokubva Beti‐eri kuȿikira paRuzi, ndokupfuʋura napamuganho waʋaArkiti kuȿikira paAtaroti;

3ndokuɓurukira kumaʋirazuʋa kumuganho waʋaJafereti, kuȿikira kumuganho weBeti‐horoni rezasi, kuȿikira Gezeri, ndokuguma paguŋgwa.

4Ʋana ʋaJosefa, Manase naEfraimi, ʋakatora nhaka yaʋo.

5Muganho waʋana ʋaEfraimi nemhuri dzaʋo ndiwo: Muganho wenhaka yaʋo kumabvazuʋa wakaŋga uri Ataroti‐adari, kuȿikira paBeti‐horoni kumsoro;

6ɀino muganho ndokuenda kumaʋirazuʋa paMikmetati kumsoro; ɀino muganho ndokudzoka kumabvazuʋa kuȿikira paTanati‐shiro, ndokupfuʋura ipapo kurutiʋi rwamabvazuʋa eJanoa;

7ndokubva paJanoa, ndokuɓurukira Ataroti, neNaara, ndokuȿika paJeriko, ndokuguma paJoridani.

8Kubva paTapua muganho wakaenda kumaʋirazuʋa, kuȿikira parukoʋa Kana, ndokuguma paguŋgwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwaʋana ʋaEfraimi nemhuri dzaʋo;

9pamŋe cete namaguta akaŋga akakamurirwa ʋana ʋaEfraimi pakati penhaka yaʋana ʋaManase, maguta ose nemisha yawo.

10Haʋana‐kudziŋga ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Gezeri; asi ʋaKanani ʋakagara pakati paʋaEfraimi kuȿikira nhasi; ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help