1Mugoʋe waʋana ʋaJosefa wakataŋga paJoridani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuʋa kurenje, ucitaŋga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo ucienda Beti‐eri;
2ndokubva Beti‐eri kuȿikira paRuzi, ndokupfuʋura napamuganho waʋaArkiti kuȿikira paAtaroti;
3ndokuɓurukira kumaʋirazuʋa kumuganho waʋaJafereti, kuȿikira kumuganho weBeti‐horoni rezasi, kuȿikira Gezeri, ndokuguma paguŋgwa.
4Ʋana ʋaJosefa, Manase naEfraimi, ʋakatora nhaka yaʋo.
5Muganho waʋana ʋaEfraimi nemhuri dzaʋo ndiwo: Muganho wenhaka yaʋo kumabvazuʋa wakaŋga uri Ataroti‐adari, kuȿikira paBeti‐horoni kumsoro;
6ɀino muganho ndokuenda kumaʋirazuʋa paMikmetati kumsoro; ɀino muganho ndokudzoka kumabvazuʋa kuȿikira paTanati‐shiro, ndokupfuʋura ipapo kurutiʋi rwamabvazuʋa eJanoa;
7ndokubva paJanoa, ndokuɓurukira Ataroti, neNaara, ndokuȿika paJeriko, ndokuguma paJoridani.
8Kubva paTapua muganho wakaenda kumaʋirazuʋa, kuȿikira parukoʋa Kana, ndokuguma paguŋgwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwaʋana ʋaEfraimi nemhuri dzaʋo;
9pamŋe cete namaguta akaŋga akakamurirwa ʋana ʋaEfraimi pakati penhaka yaʋana ʋaManase, maguta ose nemisha yawo.
10Haʋana‐kudziŋga ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Gezeri; asi ʋaKanani ʋakagara pakati paʋaEfraimi kuȿikira nhasi; ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.