Zekaria 3 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ciratidzo cecinna, Joshua unopomerwa naSatani asi unorwirwa naJehova.

1Ɀino wakandiratidza Joshua muprista mukuru, amire pamberi pomutumŋa waJehova, Satani amire paruʋoko rwake rworudyi, kuti aʋe mudziʋisi wake.

2Jehova akati kunaSatani: Jehova ŋgaakutuke, iwe Satani; ɀirokwaɀo, Jehova, wakaɀisanaŋgurira Jerusarema, ŋgaakutuke; ko ici hacizi citsika cakabvutwa pamŋoto here?

3Ɀino Joshua wakaŋga akafuka ŋguʋo dzinetȿina, amire pamberi pomutumŋa.

4Akapindura, akataura naʋakaŋga ʋamire pamberi pake, aciti: Bvisai ŋguʋo dzake dzinetȿina. Akati kwaari: Tarira, ndakabvisa ɀakaipa ɀako, ndicakupfekedza ŋguʋo dzomutambo.

5Ini ndikati: Ŋgaʋamudzike ŋgoani yakacena pamusoro wake. Ipapo ʋakamudzika ŋgoani yakacena pamusoro wake, ʋakamupfekedza ŋguʋo; ɀino mutumŋa waJehova wakaŋga amire’po.

6Mutumŋa waJehova akapupura kunaJoshua, aciti:

7Ɀanzi naJehova wehondo: Kana ukafamba nenzira dzaŋgu, kana ukaceŋgeta ɀandakakuraira, ipapo ucatoŋga imba yaŋgu, ʋuye ucaceŋgeta ʋo maʋazhe aŋgu, ini ndicakupa mapindire pakati paʋamire pano.

8Ɀino cinzwa iwe Joshua, muprista mukuru, iwe neshamŋari dzako dzigere pamberi pako; nokuti ʋarume aʋa ciratidzo; nokuti tarirai, ndicaʋuyisa muranda waŋgu, Ƌaʋi.

9Nokuti tarirai ibge randakaisa pamberi paJoshua; pabge rimŋe panameso manomŋe; tarirai, ndicatema runyoro rwaro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicabvisa ɀakaipa ɀenyika iyo nezuʋa rimŋe.

10Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — mucaɗana mumŋe nomumŋe wenyu shamŋari yake agare pasi pomuzambiriŋga napasi pomuʋonde.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help