Mapisarema 20 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Munyeŋgetero kuti mambo akunde.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.

1Jehova ŋgaakupindure nomusi wokutambudzika;

Zita raMŋari waJakobo ŋgarikuise pakakwirira;

2Ŋgaakutumire ruɓatsiro runobva panɀimbo tȿene,

Akutsigire nesimba rinobva Zioni.

3Ŋgaaraŋgarire ɀipiriso ɀako ɀose,

Agamucire ɀiɓayiro ɀako ɀinopiswa;

4Ŋgaakupe ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako,

Ŋgaaite seɀawakafuŋga.

5Ticafara kwaɀo nokukunda kwenyu,

Ticasimudza mireza yeɗu nezita raMŋari weɗu;

Jehova ŋgaaite ɀose ɀawakakumbira.

6Ɀino ndinoziʋa kuti Jehova unoponesa muzodziwa wake;

Ucamupindura ari kuɗeŋga kwake kutȿene

Nesimba roruʋoko rwake rworudyi, rinoponesa.

7Ʋamŋe ʋanoʋimba neŋgoro, ʋamŋe namabiza;

Asi isu ticareʋa zita raJehova Mŋari weɗu.

8Iʋo ʋakotamiswa, ʋawira pasi;

Asi isu tasimuka, timire ɀakanaka.

9Ponesai, Jehova;

Mambo ŋgaatipindure kana ticiɗana.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help