1Ɀino ndakarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona murume akaɓata rwonzi rwokuyera muruʋoko rwake.
2Ipapo ndikati: Unoendepiko? Iye akati kwandiri: Kundoyera Jerusarema, ndiʋone kufara kwaro nokureɓa kwaro.
3Ɀino tarira, mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, akaɓuɗa, mumŋe mutumŋa akandomuciŋgamidza,
4akati kwaari: Mhanya, undotaura nejaya iri, uti: Jerusarema ricagara semisha isinamaȿiŋgo, nokuɗa kwokuwanda kwaʋanhu neɀipfuwo ɀiri’mo.
5Nokuti ɀanzi naJehova: Ini ndicaʋa kwariri soruȿiŋgo rwomŋoto rwakapoteredza, ini ndicaʋa kubginya kwaro mukati maro.
6Nhai, imi, tizai panyika yokumsoro — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndakakuparadzirai semhepo inna dzokuɗeŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
7Nhai, Zioni, tiza, iwe ugere nomukunda weBabironi.
8Nokuti ɀanzi naJehova wehondo: Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nokuti unokugunɀai imi, unogunɀa mboni yeziso rake.
9Nokuti tarirai, ndicazunuŋgusa ruʋoko rwaŋgu pamsoro paʋo, ʋacaʋa cinhu cakapambga kunaiʋo ʋaiʋaɓatira; ipapo mucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakandituma.
10Imba ufare, iwe mukunda weZioni; nokuti tarira, ndinoʋuya, ndicagara mukati mako — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
11Ndudzi zhinji dzicanamatira Jehova nezuʋa iro, ʋakaʋa ʋanhu ʋaŋgu; ndicagara mukati mako, ipapo iwe ucaziʋa kuti ndiye Jehova wehondo wakandituma kwauri.
12Juda ʋacagarwa nhaka naJehova, ucaʋa mugoʋe wake munyika tȿene, ucaɀisanaŋgurira ɀe Jerusarema.
13Nyararai imi nyama yose pamberi paJehova; nokuti wamuka paʋugaro bgake ʋutȿene.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.