Zekaria 2 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ciratidzo cecitatu cokuyerwa kweJerusarema.

1Ɀino ndakarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona murume akaɓata rwonzi rwokuyera muruʋoko rwake.

2Ipapo ndikati: Unoendepiko? Iye akati kwandiri: Kundoyera Jerusarema, ndiʋone kufara kwaro nokureɓa kwaro.

3Ɀino tarira, mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, akaɓuɗa, mumŋe mutumŋa akandomuciŋgamidza,

4akati kwaari: Mhanya, undotaura nejaya iri, uti: Jerusarema ricagara semisha isinamaȿiŋgo, nokuɗa kwokuwanda kwaʋanhu neɀipfuwo ɀiri’mo.

5Nokuti ɀanzi naJehova: Ini ndicaʋa kwariri soruȿiŋgo rwomŋoto rwakapoteredza, ini ndicaʋa kubginya kwaro mukati maro.

6Nhai, imi, tizai panyika yokumsoro — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndakakuparadzirai semhepo inna dzokuɗeŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

7Nhai, Zioni, tiza, iwe ugere nomukunda weBabironi.

8Nokuti ɀanzi naJehova wehondo: Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nokuti unokugunɀai imi, unogunɀa mboni yeziso rake.

9Nokuti tarirai, ndicazunuŋgusa ruʋoko rwaŋgu pamsoro paʋo, ʋacaʋa cinhu cakapambga kunaiʋo ʋaiʋaɓatira; ipapo mucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakandituma.

10Imba ufare, iwe mukunda weZioni; nokuti tarira, ndinoʋuya, ndicagara mukati mako — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

11Ndudzi zhinji dzicanamatira Jehova nezuʋa iro, ʋakaʋa ʋanhu ʋaŋgu; ndicagara mukati mako, ipapo iwe ucaziʋa kuti ndiye Jehova wehondo wakandituma kwauri.

12Juda ʋacagarwa nhaka naJehova, ucaʋa mugoʋe wake munyika tȿene, ucaɀisanaŋgurira ɀe Jerusarema.

13Nyararai imi nyama yose pamberi paJehova; nokuti wamuka paʋugaro bgake ʋutȿene.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help