Jona 2 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jona unonyeŋgetera ari mukati mehoʋe.

1Ipapo Jona akanyeŋgetera kunaJehova Mŋari wake ari muɗumbu rehoʋe.

2Akati:

Ndakaɗana kunaJehova ndiri munhamo yaŋgu,

Akandipindura;

Ndakaɗana ndiri muɗumbu reSheori,

Imi mukanzwa inzwi raŋgu.

3Nokuti makandikandira makadzika, mukati momŋoyo weguŋgwa,

Mvura zhinji yakaŋga yandikomberedza;

Mafuŋgu enyu namapoporodzi enyu akapfuʋura napamsoro paŋgu.

4Ndikati: Ndarashwa, hamucandiʋoni;

Asi ndicariŋgira ɀe kutembere yenyu tȿene.

5Mvura zhinji yakandikomberedza, kuȿikira kumŋeya waŋgu;

Pakadzika pakaŋga pandipoteredza;

Maharaŋgwe akaŋga amonera musoro waŋgu.

6Ndakaɓurukira kumaʋambiso amakomo;

Nyika neɀipfigiso ɀayo ɀakandipfigira’mo nokusiŋgaperi;

Kunyaŋge ɀakaɗaro makaɓuɗisa ʋupenyu bgaŋgu pagomba, imi, Jehova Mŋari waŋgu.

7Mŋeya waŋgu wakati uciziya mukati maŋgu, ndikaraŋgarira Jehova;

Munyeŋgetero waŋgu ukapinda kwamuri mutembere yenyu tȿene.

8Ʋanoraŋgarira ɀisinamaturo ɀenhema

Ʋanorasha nyasha yaʋo.

9Asi ndicakuɓayirai nenzwi rokuʋoŋga;

Ndicaripa ɀandapika.

Ruponeso runobva kunaJehova.

10Jehova akataura nehoʋe, ikandorutsira Jona panyika yakawoma.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help