1Ipapo Jona akanyeŋgetera kunaJehova Mŋari wake ari muɗumbu rehoʋe.
2Akati:
Ndakaɗana kunaJehova ndiri munhamo yaŋgu,
Akandipindura;
Ndakaɗana ndiri muɗumbu reSheori,
Imi mukanzwa inzwi raŋgu.
3Nokuti makandikandira makadzika, mukati momŋoyo weguŋgwa,
Mvura zhinji yakaŋga yandikomberedza;
Mafuŋgu enyu namapoporodzi enyu akapfuʋura napamsoro paŋgu.
4Ndikati: Ndarashwa, hamucandiʋoni;
Asi ndicariŋgira ɀe kutembere yenyu tȿene.
5Mvura zhinji yakandikomberedza, kuȿikira kumŋeya waŋgu;
Pakadzika pakaŋga pandipoteredza;
Maharaŋgwe akaŋga amonera musoro waŋgu.
6Ndakaɓurukira kumaʋambiso amakomo;
Nyika neɀipfigiso ɀayo ɀakandipfigira’mo nokusiŋgaperi;
Kunyaŋge ɀakaɗaro makaɓuɗisa ʋupenyu bgaŋgu pagomba, imi, Jehova Mŋari waŋgu.
7Mŋeya waŋgu wakati uciziya mukati maŋgu, ndikaraŋgarira Jehova;
Munyeŋgetero waŋgu ukapinda kwamuri mutembere yenyu tȿene.
8Ʋanoraŋgarira ɀisinamaturo ɀenhema
Ʋanorasha nyasha yaʋo.
9Asi ndicakuɓayirai nenzwi rokuʋoŋga;
Ndicaripa ɀandapika.
Ruponeso runobva kunaJehova.
10Jehova akataura nehoʋe, ikandorutsira Jona panyika yakawoma.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.