Mapisarema 138 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kuʋoŋga kwomunhu unoʋimba naJehova.Pisarema raDavidi.

1Ndicakuʋoŋgai nomŋoyo waŋgu wose;

Ndicakuimbirai nziyo dzokurumbidza pamberi paʋamŋari.

2Ndicanamata ndakatarira kutembere yenyu tȿene,

Nokuʋoŋga zita renyu nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu nokutendeka kwenyu;

Nokuti makakurisa shoko renyu kupfuʋura zita renyu rose.

3Pazuʋa randakaɗana makandipindura,

Makandisimbisa nesimba pamŋeya waŋgu.

4Madzimambo ose enyika acakuʋoŋgai, Jehova,

Nokuti ʋakanzwa mashoko omuromo wenyu.

5Ɀirokwaɀo, ʋacaimba ʋacireʋa nzira dzaJehova;

Nokuti kubginya kwaJehova kukuru.

6Nokuti Jehova uri kumsoro, kunyaŋge ɀakaɗaro unehanya nounoɀininipisa;

Asi unamanyawi Jehova unomuziʋa ari kure.

7Kana ndicifamba pakati penhamo, imi mucandiponesa;

Mucatambanudza ruʋoko rwenyu kudziʋisa kutsamŋa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu,

Ruʋoko rwenyu rworudyi rucandiponesa.

8Jehova ucandikwanisira ɀinhu ɀaŋgu;

Ŋgoni dzenyu, Jehova, dzinogara nokusiŋgaperi;

Musarega maɓasa amaʋoko enyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help