1Nezuʋa iro ʋakadzi ʋanomŋe ʋacaɓata murume mumŋe, ʋaciti: Ticadya ɀokudya ɀeɗu, ticafuka ɀokufuka ɀeɗu; tinoŋgoɗa kuɗanwa zita rako ɓedzi; bvisa kunyadzwa kweɗu.
2Nezuʋa iro ɓukira raJehova ricanaka nokubginya, ʋuye ɀiɓereko ɀenyika ɀicaʋa ɀakaiȿo‐naka neɀinorumbidzwa kunaʋakapukunyuka ʋaIsraeri.
3Ʋakasiyiwa paZioni, naʋakasara paJerusarema, iʋo ʋacanzi ʋatȿene, aninani wakanyorwa pakati paʋapenyu muJerusarema;
4kana Ishe ashambidza tȿina yaʋakunda ʋeZioni, anatsa ropa reJerusarema aciribvisa mukati maro, nomŋeya wokururamisa ʋuye nomŋeya wokupisa.
5Ɀino Jehova ucasika pamsoro peimba imŋe neimŋe pagomo reZioni, napamsoro peʋuŋgano dzaro, gore noʋutsi masikati, nokupenya kwomŋoto unopfuta ʋusiku; nokuti pacaʋa necitaʋiridzo pamsoro pokubginya kwose.
6Kucaʋa’po netente, ricaʋa mumvuri masikati kana zuʋa ricipisa, noʋutiziro neciʋando kana paneɗutu nemvura.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.