Mapisarema 67 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo rwokuʋoŋga.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nemiteŋgeranwa. Pisarema norwiyo.

1Mŋari ŋgaatinzwire tsitsi, atiropafadze,

Ŋgaativenekere neciso cake;

2Kuti nzira yenyu izikanwe pasi,

Nokuponesa kwenyu pakati pendudzi dzose.

3Ʋanhu ŋgaʋakuʋoŋgei, Mŋari;

Ʋanhu ʋose ŋgaʋakuʋoŋgei.

4Ndudzi ŋgadzifare, ŋgadziimbe nomufaro;

Nokuti mucatoŋga ʋanhu nokururama,

Mucafambisa ndudzi pasi.

5Ʋanhu ŋgaʋakuʋoŋgei, Mŋari;

Ʋanhu ʋose ŋgaʋakuʋoŋgei.

6Pasi pakaɓereka ɀiɓereko ɀapo;

Mŋari, iye Mŋari weɗu, ucatiropafadza.

7Mŋari ucatiropafadza;

Nemigumo yose yapasi icamutya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help