Amosi 1 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kutoŋgwa kwamarudzi naJehova.

1Mashoko aAmosi, waiʋa mumŋe waʋafudzi ʋeTekoa, aakaʋona pamsoro paIsraeri namazuʋa aUzia mambo waJuda, ʋuye namazuʋa aJeroboami mŋanakomana waJoashi mambo waIsraeri, makore maʋiri acigere okuȿika kwokuɗeŋgenyeka kwenyika.

2Akati: Jehova ucaʋomba ari paZioni, ucanzwisa inzwi rake ari paJerusarema; mafuro aʋafudzi acacema, musoro weKarmeri ucawoma.

3Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Damasko ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakapura Gireadi nemipuro yamatare.

4Asi ndicatuma mŋoto mumba maHazaeri, ucapedza dzimba dzoʋushe dzaBeni‐hadadi.

5Ndicavuna cipfigiso ceDamasko, nokuparadza ʋagere mumupata weAveni nowakaɓata tȿimbo yoʋushe paBeti‐Edeni; ʋanhu ʋeSiria ʋacatapirwa Kiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

6Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Gaza ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakatapa rudzi rwose, kundoʋaisa kunaEdomi.

7Asi ndicatuma mŋoto kuruȿiŋgo rweGaza, ucapedza dzimba dzaro dzoʋushe.

8Ndicaparadza ʋagere Ashdodi nowakaɓata tȿimbo yoʋushe paAshkeroni; ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kurwa naEkroni; ʋakasara ʋaʋaFiristia ʋacaparadzwa — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

9Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Tire ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakaisa rudzi rwose kunaEdomi ʋakasaraŋgarira suŋgano yoʋukama bgaʋo.

10Asi ndicatuma mŋoto kuruȿiŋgo rweTire, ucapedza dzimba dzaro dzoʋushe.

11Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Edomi ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakateʋerera munuŋuna waʋo nomunondo, ʋakarasha tsitsi dzose, kutsamŋa kwake kukaramba kuciŋgobvambura, akaramba anehasha nokusiŋgaperi.

12Asi ndicatuma mŋoto paTemani, ucapedza dzimba dzoʋushe dzeBozra.

13Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti ʋana ʋaAmoni ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakatumbura ʋakadzi ʋakaŋga ʋanemimba ʋeGireadi, kuti ʋakurise nyika yaʋo.

14Asi ndicaɓatidza mŋoto paruȿiŋgo rweRaba, ucapedza dzimba dzaro dzoʋushe, ʋaciɗanidzira nezuʋa rokurwa, neɗutu guru remhepo nezuʋa recampupuri;

15mambo waʋo ucatapxa, iye pamŋe cete namacinda ake — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help