Jobo 24 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jobo haanzwisisi kuti ʋatadzi ʋanoregereiko kurobga.

1Wamasimba‐ose unoregereiko kutara ŋguʋa dzokutoŋga?

Ʋanomuziʋa ʋanoregereiko kuʋona mazuʋa ake?

2Ʋanoshandura miganho ʋari’po;

Ʋanopamba mapoka amakwai, ʋaciafudza.

3Ʋanotinha mboŋgoro yenherera,

Ʋanotora nzombe yecirikadzi ʋaciita ruɓatso.

4Ʋanodziŋga ʋarombo panzira;

Ʋarombo ʋenyika ʋanoʋanda ʋose.

5Tarira, sembizi murenje

Ʋanoɓuɗira kumaɓasa aʋo, ʋacishiŋgairira ɀokwaɗi;

Renje rinoʋapa ɀokudya ɀaʋana ʋaʋo.

6Ʋanoceka ɀaʋanodya kusaŋgo;

Ʋanoʋuŋganidza mazambiriŋga aʋakaipa.

7Ʋanoʋata ʋusiku bgose ʋasina‐ɀaʋakafuka,

Pacando haʋana‐caʋaŋgaɀifukidza naco.

8Ʋakanyoroʋa nokupfunha kwemvura yamakomo,

Ʋanombundikira ɗombo nokushaiwa pokutizira.

9Ʋari’po ʋanobvuta nherera pazamu ramai,

Nokutora ruɓatso rwaʋarombo;

10Naiɀoɀo ʋanofamba ʋasina‐ɀaʋakafuka,

Ʋanotakura ɀisote ʋanenzara;

11Ʋanoȿina mafuta mukati mamaȿiŋgo aʋanhu aʋa;

Ʋanotsika ɀiȿiniro ɀamazambiriŋga aʋo, ʋacifa nenyota.

12Ʋanhu ʋanogomera mukati meguta rinaʋanhu ʋazhinji,

Ʋuye mŋeya yaʋakakuʋadzwa inocema;

Kunyaŋge ɀakaɗaro Mŋari haanehanya neɀisina‐kururama.

13Ndiʋo ʋanoʋeŋga ciedza;

Haʋaziʋi nzira dzaco,

Haʋarambi ʋacifamba pamakwara aco.

14Muʋurayi unomuka kana kwoedza, unoʋuraya murombo nounoshaiwa;

Ʋusiku wakafanana nomuɓi.

15Ziso remhombge ʋo rinomirira rubvunza‐ʋaeni,

Aciti: Hakuneziso ricandiʋona;

Ndokufukidza ciso cake.

16Ʋusiku ʋanopaza dzimba;

Masikati ʋanoɀipfigira;

Haʋaziʋi ciedza.

17Nokuti maŋgwanani akaita serima guru kwaʋari ʋose;

Nokuti ʋanoziʋa kutyisa kwerima guru.

18Iye unofambisa pamsoro pemvura;

Mugoʋe waʋo wakatukwa panyika;

Haacafambi nenzira yeminda yemizambiriŋga.

19Kuwoma nokupisa kunopedza mvura yecando;

Ndiɀo ɀinoita Sheori naʋakatadza.

20Ciɀaro cicamukaŋganwa; honye dzicatapirirwa naye;

Haacazoraŋgarirwi;

Ʋuye kusarurama kucavunwa somuti.

21Iye unoparadza haŋa isiŋgaɓereki;

Haaitiri cirikadzi ɀakanaka.

22Unobvisa ʋanesimba nesimba rake;

Kana iye acisimuka, hakunomunhu unoziʋa kana acararama.

23Mŋari unoʋagarisa ʋakaceŋgetwa, ʋaciʋimba naɀo;

Asi meso ake anotarira nzira dzaʋo.

24Ʋanokudzwa; gare‐gare ʋaenda;

Ʋanoɗukupiswa, ʋanobviswa panzira saʋamŋe ʋose,

Ʋanocekwa semisoro yehura dzeɀiyo.

25Kana ɀisina‐kuɗaro ɀino, ndiani uŋgati ndinenhema,

Nokushaisa mashoko aŋgu simba here?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help