I Makoronike 14 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unoita suŋgano naHirami.

1Ɀino Hirami mambo weTiro wakatuma nhume kunaDavidi, namatanda emisidari, naʋaʋaki, naʋaʋezi, kuti ʋamuʋakire imba.

2Davidi akaʋona kuti Jehova wakamusimbisa kuti aʋe mambo waIsraeri; nokuti ʋushe bgake bgakaŋga bgakudzwa kwaɀo nokuɗa kwaʋanhu ʋake Israeri.

3Davidi akaɀitorera ɀe ʋamŋe ʋakadzi paJerusarema, Davidi akaɓereka ʋamŋe ʋanakomana naʋanasikana.

4Ɀino ndiwo mazita aʋana ʋaakaŋga anaʋo paJerusarema: Shamua, naShobabi, naNatani, naSoromoni;

5naIbhari, naErishua, naErpereti;

6naNoga, naNefegi, naJafia;

7naErishama, naBeriada, naErifereti.

8Ɀino ʋaFiristia ʋakati ʋanzwa kuti Davidi wazodzwa kuti aʋe mambo waʋaIsraeri ʋose, ʋaFiristia ʋose ʋakakwira kundotȿaka Davidi; Davidi akaɀinzwa, akaɓuɗa kuzorwa naʋo.

9Ɀino ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaȿika, ʋakapararira pamupata weRefaimi.

10Davidi akabvunza Jehova, akati: Ndokwira kundorwa naʋaFiristia here? Mucaʋaisa mumaʋoko aŋgu here? Jehova akati kunaDavidi: Kwira, nokuti ndicaʋaisa mumaʋoko ako.

11Ʋakaȿika paBaari‐perazimi, Davidi akaʋaparadza’po; Davidi akati: Mŋari wakapxanya ʋaʋeŋgi ʋaŋgu noruʋoko rwaŋgu, sokupxanya kwemvura. Naiɀoɀo ʋakatumidza nɀimbo iyo Baari‐perazimi.

12Ʋakasiya ʋamŋari ʋaʋo’po, Davidi akaraira, ʋakaʋapisa nomŋoto.

13ƲaFiristia ʋakapararira ɀe pamupata uyo.

14Ipapo Davidi akabvunza Mŋari ɀe; Mŋari akati kwaari: Usandoʋateʋera; tsauka ubve kwaʋari, ugoʋaʋamba pakatarisana nemiti yemibarsami.

15Ɀino kana ucinzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibarsami, ipapo unofanira kundorwa; nokuti Mŋari wakutuŋgamirira kundoparadza hondo yaʋaFiristia.

16Davidi akaita seɀaakarairwa naMŋari; ʋakaparadza hondo yaʋaFiristia kubva paGibeoni kuȿikira paGezeri.

17Mbiri yaDavidi ikaɓuɗira kunyika dzose; Jehova akavundusa marudzi ose pamsoro pake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help