1Ɀino Hirami mambo weTiro wakatuma nhume kunaDavidi, namatanda emisidari, naʋaʋaki, naʋaʋezi, kuti ʋamuʋakire imba.
2Davidi akaʋona kuti Jehova wakamusimbisa kuti aʋe mambo waIsraeri; nokuti ʋushe bgake bgakaŋga bgakudzwa kwaɀo nokuɗa kwaʋanhu ʋake Israeri.
3Davidi akaɀitorera ɀe ʋamŋe ʋakadzi paJerusarema, Davidi akaɓereka ʋamŋe ʋanakomana naʋanasikana.
4Ɀino ndiwo mazita aʋana ʋaakaŋga anaʋo paJerusarema: Shamua, naShobabi, naNatani, naSoromoni;
5naIbhari, naErishua, naErpereti;
6naNoga, naNefegi, naJafia;
7naErishama, naBeriada, naErifereti.
8Ɀino ʋaFiristia ʋakati ʋanzwa kuti Davidi wazodzwa kuti aʋe mambo waʋaIsraeri ʋose, ʋaFiristia ʋose ʋakakwira kundotȿaka Davidi; Davidi akaɀinzwa, akaɓuɗa kuzorwa naʋo.
9Ɀino ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaȿika, ʋakapararira pamupata weRefaimi.
10Davidi akabvunza Jehova, akati: Ndokwira kundorwa naʋaFiristia here? Mucaʋaisa mumaʋoko aŋgu here? Jehova akati kunaDavidi: Kwira, nokuti ndicaʋaisa mumaʋoko ako.
11Ʋakaȿika paBaari‐perazimi, Davidi akaʋaparadza’po; Davidi akati: Mŋari wakapxanya ʋaʋeŋgi ʋaŋgu noruʋoko rwaŋgu, sokupxanya kwemvura. Naiɀoɀo ʋakatumidza nɀimbo iyo Baari‐perazimi.
12Ʋakasiya ʋamŋari ʋaʋo’po, Davidi akaraira, ʋakaʋapisa nomŋoto.
13ƲaFiristia ʋakapararira ɀe pamupata uyo.
14Ipapo Davidi akabvunza Mŋari ɀe; Mŋari akati kwaari: Usandoʋateʋera; tsauka ubve kwaʋari, ugoʋaʋamba pakatarisana nemiti yemibarsami.
15Ɀino kana ucinzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibarsami, ipapo unofanira kundorwa; nokuti Mŋari wakutuŋgamirira kundoparadza hondo yaʋaFiristia.
16Davidi akaita seɀaakarairwa naMŋari; ʋakaparadza hondo yaʋaFiristia kubva paGibeoni kuȿikira paGezeri.
17Mbiri yaDavidi ikaɓuɗira kunyika dzose; Jehova akavundusa marudzi ose pamsoro pake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.