1Ɀino Jerubaari, ndiye Gideoni, wakamuka maŋgwanani, iye naʋanhu ʋose ʋaiʋa naye, ʋakandodzika matente aʋo patsime reHarodi; misasa yaMidiani yakaŋga iri necokumsoro kwaʋo, pacikomo ceMore pamupata.
2Jehova akati kunaGideoni: Ʋanhu ʋaunaʋo ʋakawandisa, kuti ndiise ʋaMidiani mumaʋoko aʋo; kuti ʋaIsraeri ʋarege kuɀikudza pamberi paŋgu, ʋaciti: Maʋoko eɗu ndiwo akatiponesa.
3Naiɀoɀo ɀino, enda undoparidza ʋanhu ʋaɀinzwe, uti: Aninani unotya, unoɗeɗera, ŋgaadzoke hake, abve pagomo reGireadi. Ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri ʋakadzoka, ʋakasara ʋaneɀuru ɀinegumi.
4Ipapo Jehova akati kunaGideoni: Naɀino ʋanhu ʋaciri ʋazhinji; enda naʋo kumvura ndiʋaidze’po; ɀino kana ndikati kwauri: Uyu unofanira kuenda newe, ndiye ucaenda newe; asi kana ndikati kwauri: Uyu haafaniri kuenda newe, iye haaŋgaendi.
5Ipapo akaenda naʋanhu kumvura; Jehova akati kunaGideoni: Mumŋe nomumŋe unokapa mvura norurimi seɀinokapa imbga, unofanira kumuisa kurutiʋi ari oga; saiɀoɀo ʋo mumŋe nomumŋe unofugama pamabvi ake pakunwa.
6Ɀino ʋanhu ʋakaŋga ʋakapa, ʋaciisa maʋoko aʋo kumiromo, ʋakaȿika ʋarume ʋanamazana matatu; asi ʋamŋe ʋose ʋakafugama pamabvi aʋo pakunwa mvura.
7Ipapo Jehova akati kunaGideoni: Ndicakuponesai naʋarume aʋa ʋanamazana matatu ʋakakapa mvura, nokuisa ʋaMidiani muruʋoko rwako; ʋanhu ʋose ŋgaʋaende haʋo, mumŋe nomumŋe kutente rake.
8Naiɀoɀo ʋanhu ʋakatora mbuʋa yaʋo mumaʋoko aʋo, nehwamanda dzaʋo; akaendisa ʋamŋe ʋarume ʋose ʋaIsraeri, mumŋe nomumŋe kutente rake, asi wakasara naʋanamazana matatu; misasa yaMidiani yakaŋga iri pasi pake mumupata.
9Ɀino noʋusiku ubgo Jehova akati kwaari: Simuka, uɓurukire kumisasa, nokuti ndakaʋaisa muruʋoko rwako.
10Asi kana ucitya kuɓuruka, uɓuruke kumisasa unaPura muranda wako;
11ugondonzwa ɀaʋanotaura; shure kwaiɀoɀo maʋoko ako acasimbiswa kuɓurukira kumisasa. Ipapo akaɓuruka anaPura muranda wake, kuȿikira kumudziʋo waʋarwi, ʋakaŋga ʋari pamisasa.
12Ɀino ʋaMidiani naʋaAmareki naʋana ʋose ʋamabvazuʋa ʋakaŋga ʋari mumupata, ʋakawanda semhashu; namakamera aʋo akaŋga asiŋgagoni kuʋereŋgwa, akaŋga akawanda sejeca riri pamhenderekedzo dzeguŋgwa.
13Ɀino Gideoni wakati aȿika, akanzwa munhu wakaŋga acirondedzera kurota kwake kushamŋari yake, akati: Tarira, ndarota hope, ndikaʋona ciŋgwa cakaɓikwa cebari cicikuŋgurukira kumisasa yaMidiani, cikaȿika patente, ndokuriroʋa rikawa; cikaritsindikira, tente rikaʋata pasi.
14Shamŋari yake ikapindura, ikati: Hacizi cimŋe cinhu, asi ndiwo munondo waGideoni, mŋanakomana waJoashi, murume waIsraeri; Mŋari wakaisa Midiani nehondo yose muruʋoko rwake.
15Ɀino Gideoni wakati acinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokuɗudzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati: Simukai, nokuti Jehova wakaisa misasa yaMidiani mumaʋoko enyu.
16Ɀino akakamura ʋarume aʋo ʋanamazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumŋe nomumŋe hwamanda muruʋoko rwake, neɀiroŋgo ɀisineciro, nezhenje mukati meɀiroŋgo.
17Akati kwaʋari: Mutarire kwandiri, mugoita seni; tarirai, kana ndiciȿika kumudziʋo wemisasa, seɀandinoita ini, nemi ʋo muite saiɀoɀo.
18Kana ndoridza hwamanda ini naʋose ʋandinaʋo, nemi ʋo muridze hwamanda kunhiʋi dzose dzemisasa, muciti: Munondo waJehova nowaGideoni!
19Naiɀoɀo Gideoni naʋarume ʋanezana ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaȿika kumudziʋo wemisasa pakutaŋga kweŋguʋa yapakati yoʋusiku, ʋacaŋgoisa ʋarindi; ʋakaridza hwamanda, ʋakaputsa ɀiroŋgo ɀakaŋga ɀiri mumaʋoko aʋo.
20Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, ʋakaputsa ɀiroŋgo, ʋakaɓata zhenje mumaʋoko aʋo oruɓoshwe, nehwamanda dzokuridza mumaʋoko aʋo orudyi, ʋakaɗanidzira ʋaciti: Munondo waJehova nowaGideoni!
21Ʋakamira mumŋe nomumŋe panɀimbo yake, ʋakakomba misasa; hondo yose ikamhanya, ʋakaridza mhere, ʋakatiza.
22Ʋakaridza hwamanda dzinamazana matatu, Jehova akarwisa munondo womumŋe nomumŋe neshamŋari yake, ʋuye nehondo yose; hondo ikatiza kuȿikira paBeti‐shita kurutiʋi rweZerera, kuȿikira kumuganho weAberimehora, paTabati.
23Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana, ʋacibva kwaNaftari, nokwaAsheri, nokwaManase, ʋakateʋera Midiani.
24Gideoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfraimi, akati: Ƃurukai mundorwa naMidiani, muʋataŋgire kugarira nzizi dzemvura kuȿikira paBeti‐bara neJoridani ʋo.
25Ʋakaɓata macinda maʋiri aMidiani, Orebi naZeebi, ʋakaʋuraya Orebi paɗombo raOrebi, naZeebi ʋakamuʋuraya paciȿiniro cewaini caZeebi, ʋakateʋera ʋaMidiani; ʋakaʋuya nemisoro yaOrebi naZeebi kunaGideoni mhiri kwaJoridani.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.