1Tarirai, ndinotuma nhume yaŋgu, iye ucandigadzirira nzira yaŋgu pamberi paŋgu; ipapo Ishe, wamunotȿaka, ucaȿika pakarepo patembere yake, iye Mutumŋa wesuŋgano, wamunoshuʋa, tarirai, unoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
2Asi ndiani uŋgatsuŋga nezuʋa rokuʋuya kwake? Ndiani uŋgamira kana aciʋonekwa? Nokuti wakafanana nomŋoto womunatsi, nesipo yomusuki.
3Iye ucagara pasi akafanana nomunatsi nomucenesi wesirveri; ucacenesa ʋanakomana ʋaRevi, nokuʋanatsa sendarama nesirveri; ipapo ʋacaʋigira Jehova ɀipiriso nokururama.
4Ipapo cipiriso caJuda neJerusarema ɀicafadza Jehova, sapamazuʋa akare, sapamakore apakutaŋga taŋga.
5Ndicasweɗera kwamuri kuti nditoŋge; ndicaʋa capupu cinokurumidza pamsoro paʋaroyi, napamsoro pemhombge, napamsoro paʋanopika nhema, napamsoro paʋanomanikidza muɓatiri pamuɓairo wake, necirikadzi, nenherera, napamsoro paʋanodziŋga ʋatorwa, ʋasiŋgandityi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
6Nokuti ini Jehova handishanduki, saka imi, ʋanakomana ʋaJakobo, mugere kuparadzwa.
7Kubva pamazuʋa amadziɓaɓa enyu makatsauka paneɀandakaraira, mukasaɀiceŋgeta. Dzokerai kwandiri, neni ndicadzokera kwamuri — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Asi imi munoti: Ticadzoka paɀinhu ɀipi?
8Ko munhu uŋgaɓira Mŋari here? Kunyaŋge ɀakaɗaro munondiɓira. Asi imi munoti: Takakuɓirai paɀinhu ɀipi? Paneɀegumi neɀipiriso ɀinotsaurwa.
9Makatukwa nokutuka; nokuti munondiɓira, irwo rudzi urwu rwose.
10Ʋuyai neɀegumi ɀose muimba yokuʋigira, kuti ɀokudya ɀiʋe’po mumba maŋgu, mundiidze naiɀoɀi ɀino — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — muʋone kana ndisiŋgakuzaruriyi mawindi okuɗeŋga, ndikakuɗururirai mukomborero wamucashaiwa pokuisa.
11Ndicatuka ʋo ʋudyi nokuɗa kwenyu, ʋurege kuparadza ɀiɓereko ɀeminda yenyu; nemizambiriŋga yenyu haiŋgazuki ɀiɓereko ɀayo mumunda, ŋguʋa isati yaȿika — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
12Ndudzi dzose dzicati muri ʋanhu ʋakafara; nokuti mucaʋa nyika inofadza — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
13Mashoko enyu akaŋga ari makukutu kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Kunyaŋge ɀakaɗaro, munoti: Takataureiko pamsoro penyu?
14Imi makati: Haɀinamaturo kushumira Mŋari; takawaneiko ɀatakaceŋgeta ɀaakaraira, ɀatakafamba takapfeka ŋguʋo dzokucema pamberi paJehova wehondo?
15Ɀino tinoti ʋanoɀikudza ndiʋo ʋakafara; ɀirokwaɀo, ʋanoita ɀakaipa ndiʋo ʋanoʋakiswa; ɀirokwaɀo, ʋanoidza Mŋari ʋacipukunyuka.
16Ipapo ʋaitya Jehova ʋakataurirana, Jehova akaterera, akanzwa, buku yokuraŋgaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuɗa kwaʋanotya Jehova, ʋaciraŋgarira zita rake.
17Ʋacaʋa ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — iʋo ʋaŋgu caiʋo, nezuʋa randicaɀiita; ndicaʋanzwira tsitsi, somunhu unonzwira tsitsi mŋanakomana wake unomuɓatira.
18Ipapo mucaʋona ɀe kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mŋari nousiŋgamushumiri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.