Maraki 3 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Zuʋa rokuʋuya kwoMunyai waJehova.

1Tarirai, ndinotuma nhume yaŋgu, iye ucandigadzirira nzira yaŋgu pamberi paŋgu; ipapo Ishe, wamunotȿaka, ucaȿika pakarepo patembere yake, iye Mutumŋa wesuŋgano, wamunoshuʋa, tarirai, unoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

2Asi ndiani uŋgatsuŋga nezuʋa rokuʋuya kwake? Ndiani uŋgamira kana aciʋonekwa? Nokuti wakafanana nomŋoto womunatsi, nesipo yomusuki.

3Iye ucagara pasi akafanana nomunatsi nomucenesi wesirveri; ucacenesa ʋanakomana ʋaRevi, nokuʋanatsa sendarama nesirveri; ipapo ʋacaʋigira Jehova ɀipiriso nokururama.

4Ipapo cipiriso caJuda neJerusarema ɀicafadza Jehova, sapamazuʋa akare, sapamakore apakutaŋga taŋga.

5Ndicasweɗera kwamuri kuti nditoŋge; ndicaʋa capupu cinokurumidza pamsoro paʋaroyi, napamsoro pemhombge, napamsoro paʋanopika nhema, napamsoro paʋanomanikidza muɓatiri pamuɓairo wake, necirikadzi, nenherera, napamsoro paʋanodziŋga ʋatorwa, ʋasiŋgandityi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

6Nokuti ini Jehova handishanduki, saka imi, ʋanakomana ʋaJakobo, mugere kuparadzwa.

7Kubva pamazuʋa amadziɓaɓa enyu makatsauka paneɀandakaraira, mukasaɀiceŋgeta. Dzokerai kwandiri, neni ndicadzokera kwamuri — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Asi imi munoti: Ticadzoka paɀinhu ɀipi?

8Ko munhu uŋgaɓira Mŋari here? Kunyaŋge ɀakaɗaro munondiɓira. Asi imi munoti: Takakuɓirai paɀinhu ɀipi? Paneɀegumi neɀipiriso ɀinotsaurwa.

9Makatukwa nokutuka; nokuti munondiɓira, irwo rudzi urwu rwose.

10Ʋuyai neɀegumi ɀose muimba yokuʋigira, kuti ɀokudya ɀiʋe’po mumba maŋgu, mundiidze naiɀoɀi ɀino — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — muʋone kana ndisiŋgakuzaruriyi mawindi okuɗeŋga, ndikakuɗururirai mukomborero wamucashaiwa pokuisa.

11Ndicatuka ʋo ʋudyi nokuɗa kwenyu, ʋurege kuparadza ɀiɓereko ɀeminda yenyu; nemizambiriŋga yenyu haiŋgazuki ɀiɓereko ɀayo mumunda, ŋguʋa isati yaȿika — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

12Ndudzi dzose dzicati muri ʋanhu ʋakafara; nokuti mucaʋa nyika inofadza — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

13Mashoko enyu akaŋga ari makukutu kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Kunyaŋge ɀakaɗaro, munoti: Takataureiko pamsoro penyu?

14Imi makati: Haɀinamaturo kushumira Mŋari; takawaneiko ɀatakaceŋgeta ɀaakaraira, ɀatakafamba takapfeka ŋguʋo dzokucema pamberi paJehova wehondo?

15Ɀino tinoti ʋanoɀikudza ndiʋo ʋakafara; ɀirokwaɀo, ʋanoita ɀakaipa ndiʋo ʋanoʋakiswa; ɀirokwaɀo, ʋanoidza Mŋari ʋacipukunyuka.

16Ipapo ʋaitya Jehova ʋakataurirana, Jehova akaterera, akanzwa, buku yokuraŋgaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuɗa kwaʋanotya Jehova, ʋaciraŋgarira zita rake.

17Ʋacaʋa ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — iʋo ʋaŋgu caiʋo, nezuʋa randicaɀiita; ndicaʋanzwira tsitsi, somunhu unonzwira tsitsi mŋanakomana wake unomuɓatira.

18Ipapo mucaʋona ɀe kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mŋari nousiŋgamushumiri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help