1Kuɗeŋga‐ɗeŋga kunoparidzira kubginya kwaMŋari;
Ʋuye ɗeŋga rinoratidza ɓasa ramaʋoko ake.
2Musi mumŋe unotaurira mumŋe musi,
Ʋuye ʋusiku ʋumŋe ʋunopupurira ʋumŋe ʋusiku njere.
3Hapana‐kutaura, kana mashoko;
Inzwi raɀo harinzwiki.
4Rwonzi rwokuyera rwaɀo rwakaȿika kunyika yose,
Namashoko aɀo kumugumo wenyika.
Wakagadzirira zuʋa tente mukati maɀo.
5Iro rakafanana necikomba cinoɓuɗa mumba maco,
Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro.
6Kuɓuɗa kwaro kunobva pamugumo weɗeŋga,
Kupota kwaro kunoȿika pakuguma kwaro ɀe;
Hakune‐cinhu cakaʋanzirwa kupisa kwaro.
7Murairo waJehova wakakwana, unoponesa mŋeya;
Cipupuriro caJehova ndecaɀokwaɗi, cinopa ʋasinamano njere.
8Ɀinorairwa naJehova ɀakarurama, ɀinofadza mŋoyo;
Murau waJehova wakaiȿo‐naka, unovenekera meso.
9Kutya Jehova kwakanaka, kunogara nokusiŋgaperi;
Ɀakatoŋgwa naJehova ndeɀaɀokwaɗi, ɀakarurama kwaɀo.
10Ɀinofanira kutȿakwa kukunda ndarama, ɀirokwaɀo kukunda ndarama zhinji yakaiȿo‐naka;
Ɀinotapira ʋo kupfuʋura ʋuci nomuȿi wamaziŋga oʋuci.
11Ʋuye ɀe, muranda wenyu unonyeʋerwa naɀo;
Pakuɀiceŋgeta panomuɓairo mukuru.
Kana kuri kutsauka, ndiani uŋgakuziʋa?
12Ndianiko uŋgaziʋa ɀitadzo?
Ndinatsei imi paɀitadzo ɀakaʋanzika.
13Dzorai ʋo muranda wenyu paɀiʋi ɀokuɀikudza;
Ŋgaɀirege kuʋa nesimba pamsoro paŋgu; ipapo ndicaʋa wakakwana,
Handiŋgaʋi nemhoȿa yokuɗarika kukuru.
14Mashoko omuromo waŋgu nokuraŋgarira kwomŋoyo waŋgu ŋgaɀifadze pamberi penyu,
Imi Jehova, ɗombo raŋgu, nomudzikinuri waŋgu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.