Mapisarema 115 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋamŋari ʋaʋahedeni haʋanamaturo, Jehova woga ndiye unokomborera.

1Isu kwete, Jehova, isu kwete,

Asi zita renyu ŋgarikudzwe,

Nokuɗa kweŋgoni dzenyu, ʋuye nokuɗa kwokutendeka kwenyu.

2Ʋahedeni ʋacareʋerei, ʋaciti:

Ko Mŋari waʋo ɀino uripi?

3Asi Mŋari weɗu uri kuɗeŋga‐ɗeŋga;

Wakaita ɀose ɀaakaɗa.

4Ɀifananidzo ɀaʋo isirveri nendarama,

Ƃasa ramaʋoko aʋanhu.

5Ɀinemiromo, asi haɀitauri;

Nameso ɀinawo, asi haɀiʋoni;

6Ɀinenzeʋe, asi haɀinzwi;

Nemhino ɀinadzo, asi haɀinhuwidzi;

7Ɀinamaʋoko, asi haɀiɓati;

Namakumbo ɀinawo, asi haɀifambi;

Haɀitauri napahuro paɀo.

8Iʋo ʋanoɀiita ʋacafanana naɀo;

Ɀirokwaɀo, naʋose ʋanoʋimba naɀo.

9Iwe Israeri, ʋimba naJehova;

Ndiye muɓatsiri waʋo nenhoʋo yaʋo.

10Iwe imba yaAroni, ʋimba naJehova;

Ndiye muɓatsiri waʋo nenhoʋo yaʋo.

11Imi munotya Jehova, ʋimbai naJehova;

Ndiye muɓatsiri waʋo nenhoʋo yaʋo.

12Jehova wakatiraŋgarira; iye ucatiropafadza;

Ucaropafadza imba yaIsraeri;

Ucaropafadza imba yaAroni.

13Ucaropafadza ʋanotya Jehova,

Ʋaɗuku naʋakuru ʋose.

14Jehova ucaramba acikuwanzai,

Imi naʋana ʋenyu.

15Imi makaropafadzwa naJehova,

Iye wakaita kuɗeŋga napasi.

16Kuɗeŋga‐ɗeŋga ndiko kuɗeŋga‐ɗeŋga kwaJehova;

Asi pasi wakapa ʋanakomana ʋaʋanhu.

17Ʋakafa haʋarumbidzi Jehova,

Kunyaŋge aninani unoɓurukira kwakanyarara;

18Asi isu heɗu ticakudza Jehova

Kubva paŋguʋa ino kuȿika pakusiŋgaperi.

Hareruya!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help