1Iɀo ɀakaŋga ɀiri’po kubva pakutaŋga, ɀatakanzwa, ɀatakaʋona nameso eɗu, ɀatakatarira, neɀatakaɓata namaʋoko eɗu, ɀeShoko roʋupenyu —
2(ʋupenyu bgakaratidzwa, tikabguʋona, tinopupura nokukuparidzirai ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgakaŋga bguri kunaƂaɓa, bgukaratidzwa kwatiri):
3Iɀo ɀatakaʋona, neɀatakanzwa, ndiɀo ɀatinokuparidzirai ʋo, kuti nemi ʋo muyanane nesu; kuyanana kweɗu tinako naƂaɓa, noMŋanakomana wake Jesu Kristu.
4Ɀinhu iɀi tinokunyorerai, kuti mufaro weɗu uzadziswe.
Fambai muciedza, mureʋurure ɀiʋi ɀenyu.5Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai ʋo, kuti Mŋari ciedza, hamunerima maari.
6Kana ticiti, tinoyanana naye, ticifamba murima, tinoreʋa nhema, hatiiti ɀokwaɗi;
7asi kana ticifamba muciedza, saiye ari paciedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mŋanakomana wake, rinotinatsa paɀiʋi ɀose.
8Kana ticiti, hatineɀiʋi, tinoɀinyeŋgera, ɀokwaɗi haizi matiri.
9Kana ticiɀireʋurura ɀiʋi ɀeɗu, iye wakatendeka wakarurama, nokuɗaro kuti unotikaŋganwira ɀiʋi ɀeɗu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.
10Kana ticiti, hatina‐kutadza, tinomuita mureʋi wenhema, neshoko rake harizi matiri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.