1Ʋucirai, imi ʋanhu ʋose!
Pururudzai kunaMŋari nenzwi romufaro mukuru!
2Nokuti Jehova wokumsoro‐soro unotyisa;
Ndiye Mambo mukuru panyika yose.
3Ndiye unotikundisa ndudzi dzaʋanhu,
Nendudzi pasi petsoka dzeɗu.
4Ndiye unotitsaurira nhaka yeɗu,
Iyo fuma yaJakobo waanoɗa.
5Mŋari wakwira nokuɗanidzira,
Jehova nokurira kwehwamanda.
6Imbirai Mŋari nziyo dzokurumbidza, muimbirei nziyo dzokurumbidza;
Imbirai Mambo weɗu nziyo dzokurumbidza, muimbirei nziyo dzokurumbidza.
7Nokuti Mŋari ndiye Mambo wapasi pose;
Muimbirei rwiyo rwakanaka rwokumurumbidza.
8Mŋari unoɓata ʋushe bgaʋahedeni;
Mŋari ugere pacigaro cake citȿene coʋushe.
9Macinda aʋanhu aʋuŋgana
Pamŋe cete naʋanhu ʋaMŋari waAbrahama;
Nokuti nhoʋo dzapasi pose ndedzaMŋari;
Ndiye mukuru‐kuru kwaɀo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.