ƲaHeberu 5 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Nokuti muprista mukuru mumŋe nomumŋe, wakatorwa kuʋanhu, unogadzwa nokuɗa kwaʋanhu paɀinhu ɀaMŋari, kuti aɓayire ɀipo neɀiɓayiro pamsoro peɀiʋi;

2iye unogona kunzwira tsitsi aʋo ʋasiŋgaziʋi naʋakatsauka, nokuti naiye ʋo amene wakakomberedzwa noʋutera.

3Nemhaka iyo iye amene unofanira kuɀiɓayira pamsoro peɀiʋi ɀake, seɀaanoɓayira ɀaʋanhu.

4Hakunomunhu uŋgaɀitorera ɓasa iri rinokudzwa, asi kana aciɗanwa naMŋari saiye Aroni.

5Saiɀoɀo ʋo Kristu haana‐kuɀikudza iye, aciitwa muprista mukuru, asi wakakudzwa naiye, wakati kwaari:

Ndiwe Mŋanakomana waŋgu,

Nhasi ndakakuɓereka;

6Seɀaanoreʋa ʋo paneimŋe nɀimbo, aciti:

Ndiwe Muprista nokusiŋgaperi

Unorudzi naMerkisedeki.

7Iye, pamazuʋa enyama yake, wakaʋuya kunaiye wakaŋga acigona kumurwira parufu, neminyeŋgetero nemikumbiro, acicema nokucema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuɗa kwokutya kwake Mŋari;

8kunyaŋge aiʋa Mŋanakomana, wakadzidza kuterera neɀaakatambudzika;

9akati akwaniswa, akazoʋa muʋambi wokuponeswa kusiŋgaperi kunaʋose ʋanomuterera;

10akanzi naMŋari Muprista mukuru unorudzi naMerkisedeki.

Ʋatendi ʋanofanira kupfuʋurira mberi pakutenda.

11Tinamashoko mazhinji atiŋgataura pamsoro pake, anorema kuɗudzira, ɀamaʋa ʋanhu ʋasicagoni kunzwisisa kwaɀo.

12Nokuti, kunyaŋge maifanira kuʋa ʋadzidzisi ɀino, kana ticitarira ŋguʋa, mofanira ɀe kuti muʋe nomumŋe unokudzidzisai dzidzo dzokutaŋga dzokuʋamba kweɀireʋo ɀaMŋari; maʋa ʋanhu ʋanofanira kupiwa ɀe mukaka, ʋasiŋgapiwi ɀokudya ɀikukutu.

13Nokuti mumŋe nomumŋe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucece hake.

14Asi ɀokudya ɀikukutu ndeɀaʋakuru, ʋanokuziʋa kwakadzidziswa, nenzira yokuroʋedzwa, kuziʋisisa ɀakanaka neɀakaipa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help