Ɀakazarurwa 7 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋakasanaŋgurwa ʋanoisirwa cisimbiso.

1Shure kwaiɀoɀi ndakaʋona ʋatumŋa ʋanna, ʋamire kumatiʋi manna enyika, ʋakaɓata mhepo inna dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana paguŋgwa, kana pamiti yose.

2Ipapo ndakaʋona mumŋe mutumŋa acikwira acibva kumabvazuʋa, anecisimbiso caMŋari mupenyu; akaɗana nenzwi guru kuʋatumŋa ʋanna, ʋaya ʋakaŋga ʋapiwa simba kuti ʋatadzire nyika neguŋgwa,

3aciti: Musatadzira nyika, kana guŋgwa, kana miti, kuȿikira taisa cisimbiso pahuma dzaʋaranda ʋaMŋari.

4Ndikanzwa kuwanda kwaʋakaiswa cisimbiso; ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna neɀinna, ʋakaiswa cisimbiso ʋacibva kumarudzi ose aʋana ʋaIsraeri.

5Kurudzi rwaJuda ʋakaiswa cisimbiso ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;

Kurudzi rwaRubeni ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;

Kurudzi rwaGadi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;

6Kurudzi rwaAseri ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;

Kurudzi rwaNeftarimi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;

Kurudzi rwaManase ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;

7Kurudzi rwaSimeoni ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;

Kurudzi rwaRevi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;

Kurudzi rwaIsakari ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;

8Kurudzi rwaZaburoni ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;

Kurudzi rwaJosefa ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;

Kurudzi rwaBenjamini ʋakaiswa cisimbiso ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri.

Ʋazhinji‐zhinji pamberi pecigaro coʋushe.

9Shure kwaiɀoɀo ndakatarira, ndikaʋona ʋazhinji‐zhinji ʋasiŋgagoni kuʋereŋgwa nomunhu, ʋakabva kundudzi dzose, namarudzi, naʋanhu, nendimi, ʋamire pamberi pecigaro coʋushe, napamberi peGwaiana, ʋakapfeka ŋguʋo cena, ʋakaɓata micindwe mumaʋoko aʋo;

10ʋakaɗanidzira nenzwi guru, ʋaciti: Ruponeso ŋgaruʋe kunaMŋari unogara pacigaro coʋushe, nokuGwaiana.

11Ipapo ʋatumŋa ʋose ʋakamira, ʋakakomba cigaro coʋushe, naƲakuru, neɀisikwa ɀipenyu ɀinna, ʋakawira pasi neciso pamberi pecigaro coʋushe, ʋakanamata Mŋari,

12ʋaciti: Ameni: Kurumbidzwa, nokubginya, nokucenjera, nokuʋoŋga, nokukudzwa, noʋushe, nesimba, ŋgaɀiʋe kunaMŋari nokusiŋgaperi‐peri. Ameni!

13Ipapo mumŋe waƲakuru wakapindura, akati kwandiri: Aʋa ʋakapfeka ŋguʋo cena ndiʋananiko? Ʋakabvepiko?

14Ndikati kwaari: Ishe waŋgu, imi munoziʋa. Akati kwandiri: Ndiʋo ʋanobva kukutambudzika kukuru, ʋakasuka ŋguʋo dzaʋo ʋakadzicenesa muropa reGwaiana.

15Naiɀoɀo ʋari pamberi pecigaro coʋushe caMŋari, ʋanomushumira masikati noʋusiku mutembere yake; iye, unogara pacigaro coʋushe, ucaʋadzitira netabernakeri.

16Haʋacazoziyi nenzara, haʋacazofi nenyota; haʋaŋgapiswi nezuʋa kana nokumŋe kupisa;

17nokuti Gwaiana riri pakati pecigaro coʋushe ricaʋafudza, ricaʋatuŋgamirira kumatsime emvura yoʋupenyu; Mŋari ucapisika misodzi yose kumeso aʋo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help