1Namazuʋa iwayo Johane mubapatidzi wakaʋuya aciparidza parenje reJudea, aciti:
2Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bg sweɗera pedyo.
3Nokuti uyu ndi wakarebga nomuprofita Isaya, aciti:
Inzwi rounoɗana murenje:
Gadzirai nzira yaShe,
Ruramisai migwagwa yake.
4Iye Johane waiʋa neŋguʋo yamakushe ekamera, nebanhire reganda paciʋuno cake; ɀokudya ɀake ɀaiʋa mhashu noʋuci bgeɓundo.
5Ɀino ʋeJerusarema neJudea rose ʋakaɓuɗira kwaari, nenyika yose yapaJordani;
6ʋakabapatidzwa naye murwizi rwaJoridani ʋaciɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo.
7Asi wakati aciʋona ʋazhinji ʋaʋaFarise naʋaSaduse ʋaciʋuya kuzobapatidzwa, akati kwaʋari: Ʋana ʋenyoka, ndianiko wakakunyeʋerai kuti mutize kutsamŋa kunoʋuya?
8Naiɀoɀo ɓerekai ɀiɓereko ɀakafanira kutendeʋuka.
9Musafuŋga kutaura mumŋoyo menyu, muciti: Abrahama ndiɓaɓa ʋeɗu; nokuti ndinoti kwamuri, Mŋari uŋgamutsira Abrahama ʋana pamabge awa.
10Ɀino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; saka muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto.
11Ini ndinokubapatidzai nemvura, mutendeʋuke; asi unoʋuya shure kwaŋgu, unesimba, kupfuʋureni, uyo wandisakafanira kutakura shaŋgu dzake; iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene nomŋoto.
12Rusero rwake ruri muruʋoko rwake; ucanatsa ɓuriro rake kwaɀo; ucaʋuŋganidzira ɀiyo muɗura, asi hundi ucaipisa mumŋoto usiŋgadzimŋi.
Kubapatidzwa kwaJesu.(Mar 1:9–11; Ruka 3:21, 22; Joh 1:31–34)13Ɀino Jesu wakabva Garirea, akaȿika paJoridani kunaJohane kuzobapatidzwa naye.
14Asi Johane wakaidza kumudziʋisa, akati: Ndini ndinofanira kubapatidzwa nemi, ko moʋuya kwandiri sei?
15Asi Jesu wakapindura, akati kwaari: Cirega hako ɀino, nokuti saiɀoɀo ɀakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega.
16Jesu, wakati abapatidzwa, pakarepo akaɓuɗa mumvura; ɀino, tarira, ɗeŋga rakamuzarurirwa, akaʋona Mŋeya waMŋari aciɓuruka senjiʋa, akaʋuya pamsoro pake.
17Ɀino tarira, inzwi rakabva kuɗeŋga, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira!
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.