Mateo 3 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Johane Mubapatidzi.(Mar 1:1–8; Ruka 3:1–18; Joh 1:6–8, 19–36; 3:23–32)

1Namazuʋa iwayo Johane mubapatidzi wakaʋuya aciparidza parenje reJudea, aciti:

2Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bg sweɗera pedyo.

3Nokuti uyu ndi wakarebga nomuprofita Isaya, aciti:

Inzwi rounoɗana murenje:

Gadzirai nzira yaShe,

Ruramisai migwagwa yake.

4Iye Johane waiʋa neŋguʋo yamakushe ekamera, nebanhire reganda paciʋuno cake; ɀokudya ɀake ɀaiʋa mhashu noʋuci bgeɓundo.

5Ɀino ʋeJerusarema neJudea rose ʋakaɓuɗira kwaari, nenyika yose yapaJordani;

6ʋakabapatidzwa naye murwizi rwaJoridani ʋaciɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo.

7Asi wakati aciʋona ʋazhinji ʋaʋaFarise naʋaSaduse ʋaciʋuya kuzobapatidzwa, akati kwaʋari: Ʋana ʋenyoka, ndianiko wakakunyeʋerai kuti mutize kutsamŋa kunoʋuya?

8Naiɀoɀo ɓerekai ɀiɓereko ɀakafanira kutendeʋuka.

9Musafuŋga kutaura mumŋoyo menyu, muciti: Abrahama ndiɓaɓa ʋeɗu; nokuti ndinoti kwamuri, Mŋari uŋgamutsira Abrahama ʋana pamabge awa.

10Ɀino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; saka muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto.

11Ini ndinokubapatidzai nemvura, mutendeʋuke; asi unoʋuya shure kwaŋgu, unesimba, kupfuʋureni, uyo wandisakafanira kutakura shaŋgu dzake; iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene nomŋoto.

12Rusero rwake ruri muruʋoko rwake; ucanatsa ɓuriro rake kwaɀo; ucaʋuŋganidzira ɀiyo muɗura, asi hundi ucaipisa mumŋoto usiŋgadzimŋi.

Kubapatidzwa kwaJesu.(Mar 1:9–11; Ruka 3:21, 22; Joh 1:31–34)

13Ɀino Jesu wakabva Garirea, akaȿika paJoridani kunaJohane kuzobapatidzwa naye.

14Asi Johane wakaidza kumudziʋisa, akati: Ndini ndinofanira kubapatidzwa nemi, ko moʋuya kwandiri sei?

15Asi Jesu wakapindura, akati kwaari: Cirega hako ɀino, nokuti saiɀoɀo ɀakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega.

16Jesu, wakati abapatidzwa, pakarepo akaɓuɗa mumvura; ɀino, tarira, ɗeŋga rakamuzarurirwa, akaʋona Mŋeya waMŋari aciɓuruka senjiʋa, akaʋuya pamsoro pake.

17Ɀino tarira, inzwi rakabva kuɗeŋga, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help