I Makoronike 8 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋana ʋaBenjamini naSauro.

1Benjamini wakaɓereka mŋana wake weɗaŋgwe Bera, naAshberi wecipiri, naAhara wecitatu;

2naNoa wecinna, naRafa weshanu.

3Bera akaɓereka ʋanakomana: Adari, naGera, naAbihudi;

4naAbishua, naNaamani, naAhoa;

5naGera, naShefufani, naHurami.

6Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaEhudi: Ndiʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aigara paGeba, ʋakaʋatapa, ʋakaenda naʋo Manahati;

7naNaamani, naAhiya, naGera, iye akaʋatapa; akaɓereka Uza naAhihudi.

8Shaharaimi akaɓereka ʋanakomana panyika yaMoabi, adziŋga ʋakadzi ʋake Hushimi naBaara.

9Akaɓereka kumukadzi wake Hodeshi: Jobabi, naZibia, naMesha, naMarkami;

10naJeuzi, naShakia, naMirma. Ndiʋo ʋanakomana ʋake, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa.

11Hushimi akaɓereka Abitubi naErpaari.

12Ʋanakomana ʋaErpaari: Eberi, naMishami, naShemedi; ndiye wakaʋaka Ono, neRodi, nemisha yawo;

13naBeria, naShema, iʋo ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aigara paAjaroni, ʋakadziŋga ʋakaŋga ʋagere paGati;

14naAhiyo, naShashaki, naJeremoti;

15naZebadia, naAradi, naEderi;

16naMikaeri, naIshpa, naJoha, iʋo ʋanakomana ʋaBeria;

17naZebadia, naMeshurami, naHizki, naHeberi;

18naIshmerai, naIzria, naJobabi, iʋo ʋanakomana ʋaErpari;

19naJakimi, naZikri, naZabdi;

20naErienai, naZiretai, naErieri;

21naAdaya, naBeraya, naShimrati, iʋo ʋanakomana ʋaShimei;

22naIshpani, naEberi, naErieri;

23naAbdoni, naZikri, naHanani;

24naHanania, naErami, naAnatotiya;

25naIfdeya, naPenueri, iʋo ʋanakomana ʋaShashaki;

26naShamsherai, naSheharia, naAtaria;

27naJareshia, naEria, naZikri, iʋo ʋanakomana ʋaJehorami.

28Iʋo ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa kumarudzi aʋo ose, ʋakuru; iʋo ʋaigara Jerusarema.

29PaGibeoni paigara ɓaɓa ʋaGibeoni, wainzi Jeiri; zita romukadzi wake rakaŋga riri Maaka.

30Mŋanakomana wake weɗaŋgwe waiʋa Abdoni, naZuri, naKishi, naBaari, naNadabi;

31naGedori, naAhio, naZekeri.

32Mikroti akaɓereka Shimea. Naiʋo ʋaigara nehama dzaʋo Jerusarema, ʋakatarisana nehama dzaʋo.

33Neri akaɓereka Kishi, Kishi akaɓereka Sauro, Sauro akaɓereka Jonatani, naMarkishua, naAbinadabi, naEshbaari.

34Mŋanakomana waJonatani wakaŋga ari Meribi‐baari; Meribi‐baari akaɓereka Mika.

35Ʋanakomana ʋaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi.

36Ahazi akaɓereka Joada, Joada akaɓereka Aremeti, naAzmaveti, naZimri; Zimri akaɓereka Moza;

37Moza akaɓereka Binea; Rafa waiʋa mŋanakomana wake, naEreasa mŋanakomana wake, naAzeri mŋanakomana wake.

38Azeri wakaŋga anaʋanakomana ʋatanhatu; mazita aʋo ndiwo: Azrikami, naBokeru, naIshmaeri, naShearia, naObadia, naHanani. Aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaAzeri.

39Ʋanakomana ʋaEsheki munuŋuna wake: Urami mŋanakomana wake weɗaŋgwe, naJeuzi wecipiri, naErifereti wecitatu.

40Ʋanakomana ʋaUrami ʋaiʋa ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋafuri ʋemiseʋe; ʋakaŋga ʋanaʋanakomana ʋazhinji, naʋanakomana ʋaʋanakomana ʋaʋo, ʋakaȿika zana namakumi mashanu. Iʋo ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaBenjamini.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help