1Benjamini wakaɓereka mŋana wake weɗaŋgwe Bera, naAshberi wecipiri, naAhara wecitatu;
2naNoa wecinna, naRafa weshanu.
3Bera akaɓereka ʋanakomana: Adari, naGera, naAbihudi;
4naAbishua, naNaamani, naAhoa;
5naGera, naShefufani, naHurami.
6Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaEhudi: Ndiʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aigara paGeba, ʋakaʋatapa, ʋakaenda naʋo Manahati;
7naNaamani, naAhiya, naGera, iye akaʋatapa; akaɓereka Uza naAhihudi.
8Shaharaimi akaɓereka ʋanakomana panyika yaMoabi, adziŋga ʋakadzi ʋake Hushimi naBaara.
9Akaɓereka kumukadzi wake Hodeshi: Jobabi, naZibia, naMesha, naMarkami;
10naJeuzi, naShakia, naMirma. Ndiʋo ʋanakomana ʋake, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa.
11Hushimi akaɓereka Abitubi naErpaari.
12Ʋanakomana ʋaErpaari: Eberi, naMishami, naShemedi; ndiye wakaʋaka Ono, neRodi, nemisha yawo;
13naBeria, naShema, iʋo ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aigara paAjaroni, ʋakadziŋga ʋakaŋga ʋagere paGati;
14naAhiyo, naShashaki, naJeremoti;
15naZebadia, naAradi, naEderi;
16naMikaeri, naIshpa, naJoha, iʋo ʋanakomana ʋaBeria;
17naZebadia, naMeshurami, naHizki, naHeberi;
18naIshmerai, naIzria, naJobabi, iʋo ʋanakomana ʋaErpari;
19naJakimi, naZikri, naZabdi;
20naErienai, naZiretai, naErieri;
21naAdaya, naBeraya, naShimrati, iʋo ʋanakomana ʋaShimei;
22naIshpani, naEberi, naErieri;
23naAbdoni, naZikri, naHanani;
24naHanania, naErami, naAnatotiya;
25naIfdeya, naPenueri, iʋo ʋanakomana ʋaShashaki;
26naShamsherai, naSheharia, naAtaria;
27naJareshia, naEria, naZikri, iʋo ʋanakomana ʋaJehorami.
28Iʋo ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa kumarudzi aʋo ose, ʋakuru; iʋo ʋaigara Jerusarema.
29PaGibeoni paigara ɓaɓa ʋaGibeoni, wainzi Jeiri; zita romukadzi wake rakaŋga riri Maaka.
30Mŋanakomana wake weɗaŋgwe waiʋa Abdoni, naZuri, naKishi, naBaari, naNadabi;
31naGedori, naAhio, naZekeri.
32Mikroti akaɓereka Shimea. Naiʋo ʋaigara nehama dzaʋo Jerusarema, ʋakatarisana nehama dzaʋo.
33Neri akaɓereka Kishi, Kishi akaɓereka Sauro, Sauro akaɓereka Jonatani, naMarkishua, naAbinadabi, naEshbaari.
34Mŋanakomana waJonatani wakaŋga ari Meribi‐baari; Meribi‐baari akaɓereka Mika.
35Ʋanakomana ʋaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi.
36Ahazi akaɓereka Joada, Joada akaɓereka Aremeti, naAzmaveti, naZimri; Zimri akaɓereka Moza;
37Moza akaɓereka Binea; Rafa waiʋa mŋanakomana wake, naEreasa mŋanakomana wake, naAzeri mŋanakomana wake.
38Azeri wakaŋga anaʋanakomana ʋatanhatu; mazita aʋo ndiwo: Azrikami, naBokeru, naIshmaeri, naShearia, naObadia, naHanani. Aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaAzeri.
39Ʋanakomana ʋaEsheki munuŋuna wake: Urami mŋanakomana wake weɗaŋgwe, naJeuzi wecipiri, naErifereti wecitatu.
40Ʋanakomana ʋaUrami ʋaiʋa ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋafuri ʋemiseʋe; ʋakaŋga ʋanaʋanakomana ʋazhinji, naʋanakomana ʋaʋanakomana ʋaʋo, ʋakaȿika zana namakumi mashanu. Iʋo ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaBenjamini.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.