1Unoɀirumbidzireiko neɀakashata, iwe mhare?
Tsitsi dzaMŋari dziri’po misi yose.
2Rurimi rwako runofuŋga kutaura ɀakaipa;
Rwakafanana neciȿo cinopinza, ruciita ɀinonyeŋgera.
3Unoɗa ɀakaipa kupfuʋura ɀakanaka;
Nokureʋa nhema kupfuʋura kutaura ɀakarurama.
4Unoɗa mashoko ose okuparadza,
Iwe rurimi runonyeŋgera.
5Mŋari ucakuparadza ʋo saiɀoɀo nokusiŋgaperi,
Ucakuɓata akakubvisa patente rako,
Nokukudzura panyika yaʋapenyu.
6Ʋakarurama ʋacaɀiʋona ʋakatya,
Ʋacamuseka, ʋaciti:
7Tarirai, hoyu munhu usina‐kuita Mŋari nhare yake,
Asi wakaʋimba nokuwanda kwefuma yake,
Akaɀisimbisa paɀakaipa ɀake.
8Asi kana ndiri’ni, ndakafanana nomuorivi munyoro muimba yaMŋari;
Ndinoʋimba netsitsi dzaMŋari nokusiŋgaperi‐peri.
9Ndicakuʋoŋgai nokusiŋgaperi, nokuti ndi’mi makaɀiita;
Ndicamirira zita renyu pamberi paʋatȿene ʋenyu nokuti rakanaka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.