Mapisarema 52 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Wakaipa ŋgaarege kuʋa namanyawi nokuti Jehova unoceŋgeta ʋanhu ʋake ʋakarurama.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Rwiyo rweMashiri rwaDavidi; paŋguʋa yakaȿika Doegi muEdomi akaʋudza Sauro, aciti: Davidi waȿika paimba yaAhimereki.

1Unoɀirumbidzireiko neɀakashata, iwe mhare?

Tsitsi dzaMŋari dziri’po misi yose.

2Rurimi rwako runofuŋga kutaura ɀakaipa;

Rwakafanana neciȿo cinopinza, ruciita ɀinonyeŋgera.

3Unoɗa ɀakaipa kupfuʋura ɀakanaka;

Nokureʋa nhema kupfuʋura kutaura ɀakarurama.

4Unoɗa mashoko ose okuparadza,

Iwe rurimi runonyeŋgera.

5Mŋari ucakuparadza ʋo saiɀoɀo nokusiŋgaperi,

Ucakuɓata akakubvisa patente rako,

Nokukudzura panyika yaʋapenyu.

6Ʋakarurama ʋacaɀiʋona ʋakatya,

Ʋacamuseka, ʋaciti:

7Tarirai, hoyu munhu usina‐kuita Mŋari nhare yake,

Asi wakaʋimba nokuwanda kwefuma yake,

Akaɀisimbisa paɀakaipa ɀake.

8Asi kana ndiri’ni, ndakafanana nomuorivi munyoro muimba yaMŋari;

Ndinoʋimba netsitsi dzaMŋari nokusiŋgaperi‐peri.

9Ndicakuʋoŋgai nokusiŋgaperi, nokuti ndi’mi makaɀiita;

Ndicamirira zita renyu pamberi paʋatȿene ʋenyu nokuti rakanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help