Mapisarema 2 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kukunda kwoʋushe bgaMesiasi.

1Ndudzi dzinoitireiko ɓope,

Naʋanhu ʋanofuŋgireiko ɀisinamaturo?

2Madzimambo enyika anoɀigadzira,

Naʋaɓati ʋanoraŋgana,

Kuzorwa naJehova nomuzodziwa wake, ʋaciti:

3Ŋgatiɗambure ɀisuŋgo ɀaʋo,

Ŋgatirashe maɓote aʋo abve kwatiri.

4Iye, ugere kuɗeŋga‐ɗeŋga, ucaseka;

Ishe ucaʋaɗaɗira.

5Ipapo ucataura kwaʋari pakutsamŋa kwake,

Nokuʋavundusa pahasha dzake huru;

6Kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakagadza mambo waŋgu

PaZioni, iro gomo raŋgu dɀene.

7Ndicaparidza cireʋo, cinoti:

Jehova wakati kwandiri: Ndiwe mŋanakomana waŋgu;

Nhasi ndakakuɓereka.

8Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi iʋe nhaka yako,

Nemigumo yenyika ɀiʋe ɀako.

9Mucaʋapxanya netȿimbo yoʋutare;

Mucaʋaputsanya sehari yomuʋumbi.

10Ɀino ciʋai nenjere, imi madzimambo;

Munyeʋerwe, imi ʋatoŋgi ʋenyika.

11Shumirai Jehova nokutya,

Mufare muciɗeɗera.

12Ȿetai mŋanakomana, arege kutsamŋa, mufire panzira,

Nokuti hasha dzake dziŋgakurumidza kumuka.

Ʋakakomborerwa ʋose ʋanoʋimba naye.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help