Numeri 23 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Ɀino Barami akati kunaBaraki: Ndiʋakire pano artari nomŋe, undigadzirire pano nzombe nomŋe namakondobge manomŋe.

2Baraki akaita seɀakataura Barami; Baraki naBarami ʋakaɓayira paartari imŋe neimŋe nzombe imŋe negondobge rimŋe.

3Ɀino Barami akati kunaBaraki: Cimira iwe pacipiriso cako cinopiswa, asi ini ndicaenda; ɀimŋe Jehova ucaʋuya kuzosoŋgana neni; ɀose ɀaanondiratidza, ndicakuʋudza iɀo. Akaenda pakakwirira, pakaŋga pasinecinhu.

4Ipapo Mŋari akasoŋgana naBarami, iye akati kwaari: Ndagadzira artari nomŋe, ndikaɓayira nzombe negondobge paartari imŋe neimŋe.

5Jehova akaisa shoko mumuromo waBarami, akati: Dzokera kunaBaraki, utaure kwaari kuɗai.

6Akadzokera kwaari, akamuwana amire pacipiriso cake cinopiswa, iye namacinda ose aMoabi.

7Ipapo akataura nomufananidzo wake, akati:

Baraki wakanditora paArami,

Mambo waMoabi wakanditora pamakomo okumabvazuʋa,

Aciti: Ʋuya unditukire Jakobo,

Ʋuya, unditsamŋire Israeri.

8Ini ndiŋgatuka seiko usina‐kutukwa naMŋari;

Ini ndiŋgatsamŋira seiko usina‐kutsamŋirwa naJehova?

9Nokuti ndinomuʋona ndiri pamsoro pamatombo,

Ndinomutarira ndiri pamsoro peɀikomo;

Tarira, ndiʋanhu ʋanogara ʋari ʋoga,

Haʋaŋgaʋereŋgwi pakati pendudzi.

10Ndianiko uŋgaʋereŋga guruʋa raJakobo,

Kana kuʋereŋga cikamu cecinna caIsraeri?

Kuguma kwaŋgu ŋgakufanane nokwake!

11Ɀino Baraki akati kunaBarami: Wandiiteiko? Ndandokutora kuti utuke ʋaʋeŋgi ʋaŋgu; tarira, waramba uciŋgoʋaropafadza.

12Akapindura, akati: Ko handifaniri kucenjera kuti nditaure ɀinoiswa naJehova mumuromo maŋgu here?

13Baraki akati kwaari: Ƌoʋuya hako neni kuneimŋe nɀimbo, pauŋgaʋaʋona uri’po; uŋgaŋgoʋona ʋokumudziʋo ʋoga, hauŋgaʋaʋoni ʋose; nditukirei iʋo uri ipapo.

14Ɀino akaenda naye kumunda waZofimi, pamsoro pePisga, akaʋaka artari nomŋe, akaɓayira nzombe negondobge paartari imŋe neimŋe.

15Akati kunaBaraki: Cimira pano pacipiriso cako cinopiswa, ini ndindosoŋgana naJehova uko.

16Ipapo Jehova akasoŋgana naBarami, akaisa shoko mumuromo make, akati: Dzokera kunaBaraki, utaure kuɗai.

17Iye akaenda kwaari, akamuwana amire pacipiriso cake cinopiswa, macinda aMoabi anaye. Baraki akati kwaari: Jehova wakataureiko?

18Ipapo akataura nomufananidzo wake, akati:

Simuka, iwe Baraki, unzwe;

Nditerere, iwe mŋanakomana waZipori:

19Mŋari haazi munhu, haaŋgareʋi nhema;

Kunyaŋge mŋanakomana womunhu, haaŋgashanduki;

Caakataura, haaŋgaciiti kanhi?

Caakataura, haaŋgacisimbisi kanhi?

20Tarira, ndakarairwa kuti ndiropafadze;

Iye wakaropafadza, ini handigoni kuɀishandura.

21Haana‐kuʋona ɀakaipa kunaJakobo;

Haana‐kuʋona ɀakashata kunaIsraeri;

Jehova Mŋari wake unaye,

Ʋanopupurira mambo pakati paʋo.

22Mŋari wakaʋaɓuɗisa Egipita,

Unesimba rakafanana nerenyati.

23Ɀirokwaɀo hakunoʋuŋaŋga kunaJakobo,

Ʋuye hakuno‐kuʋuka kunaIsraeri;

Ɀino ɀicarebga pamsoro paJakobo napamsoro paIsraeri,

Ɀakaitwa naMŋari.

24Tarirai, ʋanhu aʋo ʋanosimuka seshumbakadzi,

Ʋanosimuka seshumba.

Haʋaŋgaʋati pasi ʋasati ʋadya cakaɓatwa,

Nokunwa ropa recakaʋurawa.

25Ɀino Baraki akati kunaBarami: Usatoŋgoʋatuka, kana kutoŋgoʋaropafadza.

26Asi Barami wakapindura, akati kunaBaraki: Handina‐kukuʋudza here, ndikati: Ɀose ɀinotaurwa naJehova, ndiɀo ɀandinofanira kuita?

27Baraki akati kunaBarami: Ʋuya ɀino, ndiende newe kuneimŋe nɀimbo; ɀimŋe Mŋari uŋgafara naɀo kuti unditukire iʋo, uri ipapo.

28Ɀino Baraki akaenda naBarami pamsoro pePeori, panotarira pasi kurenje.

29Barami akati kunaBaraki: Ndiʋakire pano artari nomŋe, undigadzirire pano nzombe nomŋe namakondobge manomŋe.

30Baraki akaita seɀakarebga naBarami, akaɓayira nzombe negondobge paartari imŋe neimŋe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help