Amosi 9 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Israeri ʋacadzoswa ɀe kana kurobga kwaʋo kwapera.

1Ndakaʋona Ishe amire parutiʋi rweartari, akati: Roʋa misoro yembiru, kuti ɀikumbaridzo ɀiɗeɗere, uɀiputsanye pamisoro yaʋo yose; ndicaʋuraya wokupedzisira pakati paʋo nomunondo; hakuna‐nomumŋe waʋo ucatiza, hakuna‐nomumŋe waʋo ucapukunyuka.

2Kunyaŋge ʋakacera kuȿikira paSheori, ruʋoko rwaŋgu rucandoʋatora’po; kunyaŋge ʋakakwira kuȿikira kuɗeŋga, ndicaʋaɓurusa’po.

3Kunyaŋge ʋakandoʋanda pamsoro peKarmeri, ndicaʋatȿaka nokuʋabvisa’po; kunyaŋge ʋakaʋanda meso aŋgu pakudzika kweguŋgwa, ndicaraira nyoka kundoʋaruma’po.

4Kunyaŋge ʋakatapxa naʋaʋeŋgi ʋaʋo, ndicaraira munondo kundoʋaʋuraya’po; ndicarinzira meso aŋgu kwaʋari kuti ndiʋaitire ɀakaipa, ndirege kuʋaitira ɀakanaka.

5Nokuti Ishe Jehova wehondo ndiye unogunɀa nyika ikanyauka, ʋose ʋagere’mo ʋacacema; icakwira yose soRwizi, icaɗerera ɀe soRwizi rweEgipita;

6ndiye unoʋaka makamuri ake kuɗeŋga, wakateya ɗeŋga rake panyika; iye unoɗana mvura zhinji yeguŋgwa aciiɗururira panyika pose; Jehova ndiro zita rake.

7Nhai, imi ʋana ʋaIsraeri, ko hamuzi kwandiri saʋana ʋeEtiopia here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Handizi’ni ndakaɓuɗisa Israeri panyika yeEgipita here, naʋaFiristia paKaftori, naʋaSiria paKiri here?

8Tarirai, meso aShe Jehova anoʋona ʋushe ʋunotadza, ndicaʋuparadza ndiʋubvise panyika pose, asi handiŋgaparadzi cose imba yaJakobo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

9Nokuti tarirai, ndicaraira, ndicapepeta imba yaIsraeri pakati pamarudzi ose, seɀinopepetwa ɀiyo mumusero, kunyaŋge ɀakaɗaro tsaŋga imŋe ɗuku‐ɗuku haiŋgawiri pasi.

10Ʋatadzi ʋose ʋaʋanhu ʋaŋgu ʋacaʋurawa nomunondo, iʋo ʋanoti: Ɀakaipa haɀiŋgatiɓati, haɀiŋgaȿikiri kwatiri.

11Nezuʋa iro ndicamutsa tabernakeri yaDavidi yakawira pasi, nokudziʋira’po pakakoromorwa; ndicamutsa ɀe matoŋgo ayo, ndicaiʋaka ɀe seɀayakaŋga yakaita pamazuʋa akare;

12kuti ʋaɀitorere ɀakasara ɀaEdomi, namarudzi ose akatumidzwa nezita raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova, unoita iɀoɀi.

13Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — murimi ucaɓata muceki, nomuȿini wemizambiriŋga ucaɓata unodɀara mbeu; makomo acaɗonha waini inozipa, ʋuye ɀikomo ɀose ɀicanyauka.

14Ndicadzosa kutapxa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ʋacaʋaka maguta akaparadzwa, ʋacigara’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, ʋacinwa waini yayo; ʋacarima ʋo mimŋe minda, ʋacidya ɀiɓereko ɀayo.

15Ndicaʋasima panyika yaʋo, haʋaŋgazodzurwi ɀe panyika yaʋo yandakaʋapa — ndiɀo ɀinotaura Jehova Mŋari wenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help